1Jehova wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu,
Kuȿikira ndaita ʋaʋeŋgi ʋako citsiko cetsoka dzako.
2Jehova ucatambanudza tȿimbo yesimba rako riɓuɗe paZioni, aciti:
Ƃata ʋushe pakati paʋaʋeŋgi ʋako.
3Ʋanhu ʋako ʋacaɀiisa nomŋoyo wose pazuʋa raucaʋuŋganidza hondo yako,
Neŋguʋa tȿene, paciɀaro camaŋgwanani,
Ndipo paneɗoʋa roʋujaya bgako.
4Jehova wakapika, haaŋgaɀiɗembi, aciti:
Iwe uri muprista nokusiŋgaperi.
Unorudzi naMerkizedeki.
5Ishe parudyi rwako
Ucaparadza madzimambo pazuʋa rokutsamŋa kwake.
6Iye ucatoŋga pakati paʋahedeni,
Ucazadza nyika neɀitunha;
Ucaparadza misoro panyika zhinji.
7Ucanwa parukoʋa panzira;
Saka ucasimudza musoro wake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.