Mapisarema 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

BUKU IKufara kwaʋanoɗa Mŋari, nokusafara kwaʋasiŋgaɗi Mŋari.

1Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa,

Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi,

Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi.

2Asi unofarira murairo waJehova;

Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku.

3Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura,

Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo,

Mashizha awo haaȿaʋi;

Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika.

4Ʋakaipa haʋana‐kuɗaro;

Asi ʋakafanana nehundi inopepereswa nemhepo.

5Naiɀoɀo ʋakaipa haʋaŋgamiri pakutoŋgeswa,

Naʋatadzi paʋuŋgano yaʋakarurama.

6Nokuti Jehova unoziʋa nzira yaʋakarurama;

Asi nzira yaʋakaipa icaparadzwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help