Jobo 14 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jobo unokumbira kuti Mŋari amunzwire tsitsi nokuɗa kwokutambudzika kwomunhu paʋupenyu bgake.

1Munhu wakaɀarwa nomukadzi

Unamazuʋa mashoma, azere nokutambudzika.

2Unoɓuɗa seruʋa, ndokuȿaʋa;

Unotiza ʋo somumvuri, haagari.

3Ko munotarira munhu wakaɗai nameso enyu,

Mucinditoŋga here?

4Ndianiko uŋgaɓuɗisa cinhu cakanaka panecakaipa?

Hakuna.

5Mazuʋa ake ɀaakatarwa, mŋedzi yake yakaʋereŋgwa nemi,

Makamutarira miganho yaasiŋgatenderwi kuɗarika;

6Regai kumucerekedza, azorore,

Kuȿikira apedza zuʋa rake somuɓatiri.

7Nokuti kana muti uciŋge watemŋa, kunetariro kuti ucaɓuɗa ɀe,

Ʋuye kuti ɗaʋi rawo nyoro hariŋgaperi.

8Kunyaŋge mudzi wawo ukakwegurira muvu,

Nehunde yawo ikafa pasi;

9Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɓukira kana wanzwa kunhuwira kwemvura,

Ndokuɓuɗisa mataʋi somuti muɗuku.

10Asi munhu unofa, akaparara hake; Ɀirokwaɀo munhu unorega kufema, ɀino uripiko?

11Mvura inopera paguŋgwa,

Ʋuye rwizi runopera nokupxa;

12Saiɀoɀo munhu unoʋata pasi, akasamuka ɀe;

Haʋazomuki ɀe kuȿikira ɗeŋga rapera,

Haʋaŋgamutswi pahope dzaʋo.

13Haiwa! Ƌai mucindiʋanza henyu paSheori,

Mucindiceŋgeta pakaʋanda, kuȿikira hasha dzenyu dzapfuʋura,

Munditemere ŋguʋa yakatarwa, yamuŋgandiraŋgarira nayo.

14Kana munhu aciŋge afa, uŋgararama ɀe here?

Ndaimirira haŋgu mazuʋa ose okutambudzika kwaŋgu,

Kuȿikira kusunuŋgurwa kwaŋgu kuciȿika.

15Maizoɗana, ini ndikakupindurai;

Maishuʋa ɓasa ramaʋoko enyu.

16Asi ɀino munoʋereŋga nhambge dzaŋgu;

Hamuzinocerekedza ciʋi caŋgu here?

17Kuɗarika kwaŋgu kwakasuŋgirwa muhomboɗo,

Munosuŋga ɀakaipa ɀaŋgu.

18Gomo kana riciwa ɀirokwaɀo rinopfupfunyuka,

Ʋuye ɗombo rinobviswa panɀimbo yaro;

19Mvura inocera mabge;

Kuyerera kwayo kunokukura guruʋa renyika;

Imi munoparadza tariro yomunhu.

20Munomukunda nokusiŋgaperi, iye akapfuʋura hake;

Munoshandura ciso cake, ndokumudziŋga.

21Ʋana ʋake ʋanokudzwa iye asiŋgaɀiziʋi;

Ʋanoɗeredzwa, asi iye haaʋoni ʋaciitirwa iɀoɀo.

22Asi kana ari iye nyama yake inorwadziwa,

Mŋeya wake unocema mukati make.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help