Ɀireʋo 11 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Ciyero cinonyeŋgedzera cinonyaŋgadza kunaJehova;

Asi kurema kwakakwana kunomufadza.

2Kana kuɀikudza kuciȿika, kunyadziswa kwaȿika ʋo;

Asi ʋucenjeri ʋuri kunaʋanoɀininipisa.

3Kusanyeŋgedzera kwaʋakarurama kucaʋatuŋgamirira;

Asi kusarurama kwaʋanonyeŋgedzera kucaʋaparadza.

4Fuma haiɓatsiri cinhu nezuʋa rokutsamŋa;

Asi kururama kunorwira parufu.

5Kururama kwowakakwana kucaruramisa nzira yake;

Asi wakaipa ucawiswa neɀakaipa ɀake.

6Kururama kwaʋakarurama kucaʋarwira;

Asi ʋanonyeŋgedzera ʋacaɓatwa neɀakashata ɀaʋo.

7Kana munhu wakaipa acifa, ɀaanotarira ɀicaparadzwa;

Tariro yaʋakashata inoparadzwa.

8Wakarurama unorwirwa pakutambudzika;

Wakaipa unopinda pacigaro cake.

9Wakashata unoparadza wokwake nomuromo wake;

Asi wakarurama ucarwirwa neziʋo.

10Kana ʋakarurama ʋacipfuʋurira mberi ɀakanaka, guta rinofara kwaɀo;

Kana ʋakaipa ʋaciparadzwa, kunopururudzwa.

11Nokuropafadzwa kwaʋakarurama guta rinokudzwa;

Asi rinoputswa nemiromo yaʋakaipa.

12Unoninipisa wokwake unoshaiwa ʋucenjeri;

Asi munhu unenjere unoramba anyerere.

13Unofamba anamakuhwa, unoɓuɗisa ɀakaʋanda;

Asi unomŋoyo wakatendeka, unofukidza mhaka.

14Kana ʋanhu ʋasiŋgatuŋgamirirwi noʋucenjeri, ʋanoɗerera;

Asi paʋarairiri ʋazhinji ndipo panoruponeso.

15Wakaɀiita ruɓatso pamsoro pomutorwa, ucaʋona nhamo nokuɗa kwaɀo;

Asi unoʋeŋga kuɀiita ruɓatso, ndiye wakasimba.

16Mukadzi muʋuya unokudzwa;

Ʋamanikidzi ʋanowana fuma.

17Munhu uneŋgoni, unoitira mŋeya wake ɀakanaka;

Asi usinetsitsi unotambudza nyama yake.

18Wakaipa unopiwa muɓairo wokunyeŋgedzera;

Asi unokusha kururama ucawana muɓairo waɀokwaɗi.

19Kururama kwaɀokwaɗi kunoisa kuʋupenyu;

Asi unoteʋera ɀakaipa, unoʋiŋga rufu rwake.

20Ʋanemŋoyo yakatsauka ʋanonyaŋgadza Jehova;

Asi ʋanofamba nenzira yakarurama ʋanomufadza.

21Ɀirokwaɀo, wakaipa haaŋgakoni kurobga;

Asi ʋana ʋaʋakarurama ʋacarwirwa.

22 Seɀakaita cindori cendarama mumhino dzeŋguruʋe,

Ndiɀo ɀakaita mukadzi wakanaka kumeso usina‐kuŋgwara.

23Ɀinoɗikanwa naʋakarurama ɀakanaka ɓedzi;

Asi ʋakaipa ʋanomirirwa nokutsamŋa.

24Mumŋe uri’ko unoparadzira, aciwedzerwa;

Ʋuye uri’ko unonyima ɀaakafanira kupa, asi ɀinoŋgomushaisa.

25Cipavurire ucakodzwa;

Ʋuye unoɗiridza ucaɗiridzwa ʋo.

26Unonyima ɀiyo, ʋanhu ʋacamutuka;

Asi mikomborero icaʋa pamusoro wounoɀiteŋgesa.

27Unoshiŋgairira ɀinhu ɀakanaka, unotȿaka ɀinofadza;

Asi unotȿaka ɀakashata, ucaȿikirwa ʋo naɀo.

28Unoʋimba nefuma yake, ucawa;

Asi ʋakarurama ʋacanaka seshizha nyoro.

29Unotambudza imba yake, ucagara nhaka yemhepo;

Ƃenzi ricaʋa muranda wounomŋoyo wakacenjera.

30Ɀiɓereko ɀowakarurama muti woʋupenyu;

Unoɓata mŋeya yaʋanhu ndiye wakacenjera.

31Tarirai, wakarurama ucapiwa muɓairo panyika;

Ndoɗa wakaipa nomutadzi!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help