Mapisarema 85 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova ndiye Muɓatsiri.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raʋanakomana ʋaKora.

1Jehova, makafarira nyika yenyu;

Makadzosa Jakobo pakutapxa.

2Makakaŋganwira kutadza kwaʋanhu ʋenyu,

Makafukidza ɀiʋi ɀaʋo ɀose.

3Makabvisa kutsamŋa kwenyu kwose;

Makaɀidzora pahasha dzenyu dzakanyanya.

4Tidzosei, Mŋari muponesi weɗu,

Gumisai hasha dzenyu kwatiri.

5Ko mucaramba makatitsamŋira nokusiŋgaperi?

Mucaȿitsa kutsamŋa kwenyu kumarudzi namarudzi here?

6Imi hamuŋgatiraramisi ɀe here,

Kuti ʋanhu ʋenyu ʋafare nemi?

7Tiratidzei ŋgoni dzenyu, Jehova,

Mutipe ruponeso rwenyu.

8Ndicanzwa ɀicataura Mŋari Jehova;

Nokuti ucataura rugare kuʋanhu ʋake, nokuʋatȿene ʋake;

Asi ŋgaʋarege kudzokera ɀe kuʋupenzi.

9Ɀirokwaɀo kuponesa kwake kuri pedyo naʋanomutya;

Kuti kubginya kugare munyika yeɗu.

10Ŋgoni neɀokwaɗi ɀakasoŋgana;

Kururama norugare ɀakaȿetana.

11Ɀokwaɗi inomera pasi;

Kururama kwakatarira pasi kuri kuɗeŋga.

12Ɀirokwaɀo, Jehova ucapa ɀinhu ɀakanaka;

Nyika yeɗu icaɓereka ɀiɓereko ɀayo.

13Kururama kucamutuŋgamirira;

Kucagadzirira tsoka dzake nzira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help