Estere 10 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋukuru bgaMordekai.

1Ɀino mambo Ahashveroshi wakateresa nyika, neɀiwi ɀeguŋgwa.

2Ɀino maɓasa ake ose ecikuriri, nesimba rake, ʋuye ɀose ɀoʋukuru bgaMordekai, bgaakakudzwa nabgo namambo, haɀina‐kunyorwa here pabuku yamakoronike amadzimambo eMedia nePersia?

3Nokuti Mordekai muJuda wakaŋga ari wecipiri paʋushe aciteʋera mambo Ahashveroshi; waiʋa mukuru pakati paʋaJuda, akaɗikanwa naʋazhinji ʋehama dzake; waitȿakira ʋanhu ʋake ɀakanaka, acitaurira rudzi rwake rwose ɀorugare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help