Mapisarema 83 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Munyeŋgetero kuti Mŋari arwire ʋanhu ʋake.Rwiyo, Pisarema raAsafi.

1Haiwa Jehova, regai kuramba munyerere;

Regai kuramba musiŋgatauri, musanyarara Mŋari.

2Nokuti tarirai, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋanoita ɓope;

Ʋanokuʋeŋgai ʋakasimudza misoro yaʋo.

3Ʋanofuŋga mano kuti ʋanyeŋgere ʋanhu ʋenyu,

Ʋanoraŋgana pamsoro paʋakaʋanzwa nemi.

4Ʋakati: Ʋuyai, tiʋaparadze, ʋarege kuzoʋa rudzi;

Kuti zita raIsraeri rirege kuzoraŋgarirwa.

5Nokuti ʋakaraŋgana nomŋoyo mumŋe;

Ʋanoita suŋgano kuzorwa nemi.

6Matente aEdomi naʋaIshmaeri;

Moabi naʋaHagari;

7Gebari, naAmoni, naAmareki;

Firistia pamŋe cete naʋagere Tire;

8Asiria ʋo wakasaŋgana naʋo;

Ʋakaɓatsira ʋana ʋaRoti.

9Muʋaitire seɀamakaitira Midiani;

NaSisera, naJabini, paRwizi Kishoni;

10Iʋo ʋakaparadzwa paEndori;

Ʋakaʋa mupfudze wapasi.

11Itai ʋakuru ʋaʋo saOrebi naZeebi;

Ɀirokwaɀo, macinda aʋo ose saZeba naZarmuna;

12Iʋo ʋakati: Ŋgatiɀitorere

Ʋugaro bgaMŋari ʋuʋe bgeɗu.

13Mŋari waŋgu, muʋaite seguruʋa rinondeyeswa nemhepo;

Samakoto anodziŋgwa nemhepo.

14Somŋoto unopisa ɗondo,

Somuraɀo womŋoto unopisa makomo;

15Muʋateʋerere saiɀoɀo neɗutu renyu remhepo,

Muʋavunduse necampupuri cenyu.

16Fukidzai ɀiso ɀaʋo nokunyadziswa;

Kuti ʋatȿake zita renyu, Jehova.

17Ŋgaʋanyadziswe, ʋavunduswe nokusiŋgaperi;

Ɀirokwaɀo, ŋgaʋanyadziswe ʋafe;

18Ʋaziʋe kuti imi moga, imi munezita rinonzi Jehova,

Ndimi Wokumsoro‐soro kumsoro kwapasi pose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help