Mapisarema 97 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋukuru bgaJehova Mambo.

1Jehova unoɓata ʋushe; nyika ŋgaifare kwaɀo;

Ɀiwi ɀizhinji ŋgaɀifare.

2Makore nerima ɀinomukomberedza;

Kururama nokururamisa ndidzo nheyo dzecigaro cake coʋushe.

3Mŋoto unotuŋgamira pamberi pake,

Ucipisa ʋadziʋisi ʋake pamatiʋi ose.

4Mheni dzake dzakaveneka nyika yose;

Pasi pakaʋona, ndokubvunda.

5Makomo akanyauka senamo pamberi paJehova,

Pamberi paShe wapasi pose.

6Kuɗeŋga‐ɗeŋga kunoparidza kururama kwake,

Ndudzi dzose dzakaʋona kubginya kwake.

7Ʋose, ʋanoshumira mifananidzo yakaʋeziwa, ʋanonyadziswa,

Iʋo ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀifananidzo;

Namatai kwaari, imi ʋamŋari ʋose.

8Zioni rakanzwa ndokufara,

Naʋakunda ʋaJuda ʋakafara kwaɀo;

Nokuɗa kweɀamakatoŋga, imi Jehova.

9Nokuti imi Jehova, muri kumsoro‐soro kwapasi pose;

Makakwirira kupfuʋura ʋamŋari ʋose.

10Ʋeŋgai ɀakaipa, imi munoɗa Jehova;

Iye unoceŋgeta mŋeya yaʋatȿene ʋake;

Unoʋarwira paruʋoko rwowakaipa.

11Ciedza cinodɀarirwa wakarurama,

Nomufaro ʋanemŋoyo yakarurama.

12Farai munaJehova, imi ʋakarurama;

Ʋoŋgai pakuraŋgarira ʋutȿene bgake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help