Rwiyo Rukuru 1 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kuɗana nokufarirana kwomŋeŋga necikomba.

1Rwiyo rukuru rwaSoromoni.

2Ŋgaandiȿete nokuȿeta kwomuromo wake;

Nokuti ruɗo rwako rwakanaka kupfuʋura waini.

3Ɀizoro ɀako ɀinonhuwira ɀakanaka;

Zita rako rakaita samafuta akaɗururwa;

Saka mhandara dzinokuɗa.

4Ndikweʋere kwauri; ticakuteʋera ticimhanya;

Mambo wakandiisa mudzimba dzake dzomukati;

Ticafara nokukufarira ɀikuru iwe;

Ticarumbidza ruɗo rwako kupfuʋura waini;

Ɀakarurama ɀaʋakakuɗa.

5Ndakaȿiɓa, asi ndakanaka haŋgu,

Imi ʋakunda ʋeJerusarema,

Samatente eKedari,

Semiceka yakaremberedzwa yaSoromoni.

6Musanditarira, ɀandakaȿiɓa,

Nokuti zuʋa rakandipisa.

Ʋanakomana ʋamai ʋaŋgu ʋakanditsamŋira,

Ʋakandiita murindi weminda yemizambiriŋga;

Asi munda waŋgu wemizambiriŋga handina‐kuuceŋgeta.

7Ndiʋudze iwe, unoɗikanwa nomŋeya waŋgu,

Kuti unofudza ɓoka rako kupi,

Kuti unorizorodza kupi masikati;

Nokuti ndicaitirei somunhu wakafukidzwa kumeso

Pakati pamapoka eshamŋari dzako?

8Kana usiŋgaziʋi, iwe unopfuʋura ʋakadzi ʋose nokunaka,

Teʋera makwara amapoka,

Ufudze makwaiana ako kurutiʋi rwamatente aʋafudzi.

9Ndakakufananidzira iwe, shamŋari yaŋgu,

Nebiza paŋgoro dzaFarao.

10Matama ako akanaka pakati peɀirukwa ɀevudzi;

Mutsipa wako neɀibge ɀinokosha ɀakatuŋgirwa.

11Ticakuitira ɀirukwa ɀendarama

Neɀuma ɀesirveri.

12Ŋguʋa yose mambo agere patafura yake,

Nardo yaŋgu yakaɓuɗisa kunhuwira kwayo.

13Muɗiwa waŋgu wakaita kwandiri sehomboɗo yemura,

Inogara pakati pamazamu aŋgu.

14Muɗiwa waŋgu wakaita kwandiri sesumbu ramaruʋa ehena,

Paminda yemizambiriŋga paEngedi.

15Tarira, wakanaka, shamŋari yaŋgu;

Tarira, wakanaka;

Meso ako akafanana neenjiʋa.

16Tarira, wakanaka, muɗiwa waŋgu,

ɀirokwaɀo, unofadza;

Ʋuʋato bgeɗu ndi’po paɓumhudza.

17Matanda eimba yeɗu ndeemisidari,

Mbariro dzayo ndedzemisipresi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help