I ƲaKorinte 13 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kunaka kworuɗo.

1Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere!

2Kunyaŋge ndinecipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.

3Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu.

4Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi;

5haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura;

6harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi;

7runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose.

8Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa.

9Nokuti tinoziʋa ɀisakakwana, tinoprofita ɀisakakwana;

10asi kana ɀakakwana ɀaȿika, iɀo ɀisakakwana ɀicabviswa.

11Ini ndiciri mŋana, ndaitaura somŋana, ndaifuŋga somŋana, ndairaŋgarira somŋana; ɀino ɀandaʋa murume, ndabvisa ɀinhu ɀomŋana.

12Nokuti ɀino tinoʋona paciʋoni‐ʋoni, tisiŋgaʋoni kwaɀo; asi neŋguʋa iyo ticaʋona neɀiso ɀakatarisana; ɀino ndinoziʋa ɀisakakwana, asi neŋguʋa iyo ndicaziʋa seɀandakazikanwa neni ʋo.

13Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help