1Kunyaŋge ndikataura nendimi dzaʋanhu nedzaʋatumŋa, ndisinoruɗo, ndaʋa sendarira dzinorira, neɗare rinoŋgoti: Ŋgwereŋgwere!
2Kunyaŋge ndinecipo cokuprofita, ndicinzwisisa ɀakaʋanzika ɀose, nokuziʋa kwose; kunyaŋge ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisinoruɗo, handizi cinhu.
3Kunyaŋge ndagoʋera ʋarombo ɀose ɀandinaɀo, kunyaŋge ndikaisa muʋiri waŋgu kuti ndipiswe, ndisinoruɗo, handiɓatsirwi cinhu.
4Ruɗo runomŋoyo murefu, runomŋoyo munyoro; ruɗo harunegoɗo; ruɗo harunamanyawi, haruɀikudzi;
5haruiti ɀisiŋgafaniri, haruɀitȿakiri ɀarwo; harutsamŋi, haruneɀishura;
6harufariri ɀisakarurama, asi runofarira ɀokwaɗi;
7runofukidza ɀose, runotenda ɀose, runetariro paɀose, runotsuŋgirira paɀose.
8Ruɗo harutoŋgoperi; ɀino kana kuri kuprofita, kucabviswa; kana dziri ndimi, dzicaguma; kana kuri kuziʋa, kucabviswa.
9Nokuti tinoziʋa ɀisakakwana, tinoprofita ɀisakakwana;
10asi kana ɀakakwana ɀaȿika, iɀo ɀisakakwana ɀicabviswa.
11Ini ndiciri mŋana, ndaitaura somŋana, ndaifuŋga somŋana, ndairaŋgarira somŋana; ɀino ɀandaʋa murume, ndabvisa ɀinhu ɀomŋana.
12Nokuti ɀino tinoʋona paciʋoni‐ʋoni, tisiŋgaʋoni kwaɀo; asi neŋguʋa iyo ticaʋona neɀiso ɀakatarisana; ɀino ndinoziʋa ɀisakakwana, asi neŋguʋa iyo ndicaziʋa seɀandakazikanwa neni ʋo.
13Ɀino kutenda, netariro, noruɗo, ɀitatu iɀi, ndiɀo ɀinogara; asi cikuru pakati paɀo ndirwo ruɗo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.