Jobo 18 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Birdadi unoramba mashoko aJobo. Mutadzi unorobga pano panyika ʋuye kana afa.

1Ipapo Birdadi muShuhi wakapindura, akati:

2Mucateyana namashoko kuȿikira riniko?

Cimbofuŋgai henyu, tigotaurirana pashure.

3Tinonzi mhuka neiko,

Naʋanhu ʋasina‐kunaka pamberi penyu?

4Iwe unoɀibvarura nokutsamŋa kwako,

Nyika iŋgarashwa nokuɗa kwako kanhi?

Kana ɗombo riŋgabviswa panɀimbo yaro here?

5Ɀirokwaɀo, ciedza caʋakaipa cicadzimŋa,

Muraɀo womŋoto wake hauŋgavenekeri.

6Ciedza cicaȿiɓa patente rake,

Mŋenje wake pamsoro pake ucadzimŋa.

7Nhambge dzesimba rake dzicadzorwa,

Namano ake acamuwisira pasi.

8Nokuti unowisirwa mumumbure namakumbo ake amene,

Unofamba pamsoro peɀakarukwa.

9Rugombe rucamuɓata citsitsinho,

Musuŋgo ucamuɓatisa.

10Unoʋanzirwa ciswe muvu,

Nomuraʋu panzira.

11Ucavunduswa neɀinotyisa pamatiʋi ose,

Ɀicamuteʋerera pedyo‐pedyo.

12Simba rake ricarumŋa nenzara,

Njodzi icamugarira parutiʋi rwake.

13Icapedza mitezo yomuʋiri wake,

Ƌaŋgwe rorufu ricapedza mitezo yake.

14Ucadzurwa patente rake raaiʋimba naro;

Ucaiswa kunamambo unotyisa.

15Mutente rake munogara ɀisati ɀiri ɀake;

Surferi icasaswa pamsoro peimba yake.

16Midzi yake icawoma pasi,

Ƌaʋi rake ricatemŋa kumsoro.

17Haaŋgazoraŋgarirwi panyika;

Zita rake hariŋgazozikanwi panzira dzomumusha.

18Ucadziŋgwa paciedza aende kurima;

Ucadziŋgwa abve panyika.

19Haaŋgaʋi nomŋanakomana kana muzukuru pakati paʋanhu ʋake,

Kana mumŋe wakasara, paakaŋga agere ari mutorwa.

20Ʋanogara kumaʋirazuʋa ʋacakanuka ʋaciʋona zuʋa rake,

Ʋagere kumabvazuʋa ʋacaɓatwa nokubvunda.

21Ɀirokwaɀo, ndiɀo ɀakaita panogara ʋasina‐kururama,

Ndiyo nɀimbo yousiŋgaziʋi Mŋari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help