Mapisarema 62 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kunyarara kwomŋeya womunhu unoʋimba naMŋari.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomutoʋo waJedutuni. Pisarema raDavidi.

1Ɀirokwaɀo, mŋeya waŋgu unoŋgorindira Mŋari;

Kwaari ndiko kunobva kuponeswa kwaŋgu.

2Ndiye woga ɗombo raŋgu nomuponesi waŋgu;

Ndiye shoŋgwe yaŋgu yakakwirira; handiŋgazunuŋguswi ɀikuru.

3Mucaʋaʋarira munhu kuȿikira riniko,

Kuti mumuʋuraye imi mose,

Soruȿiŋgo runoɗo‐kuwa, noruzhowa runotȿeyama?

4Ʋanoŋgoraŋgana kuti ʋamusundire pasi abve paʋukuru bgake;

Ʋanofarira nhema;

Ʋanoropafadza nomuromo waʋo, asi ʋanotuka mumŋoyo maʋo.

5Mŋeya waŋgu, rindira Mŋari ɀirokwaɀo;

Nokuti ndinomutarira iye.

6Ndiye woga ɗombo raŋgu noruponeso rwaŋgu;

Ndiye shoŋgwe yaŋgu yakakwirira; handiŋgazunuŋguswi.

7KunaMŋari ndiko kunokuponeswa kwaŋgu nokukudzwa kwaŋgu;

Ƌombo resimba raŋgu noʋutiziro bgaŋgu ɀiri kunaMŋari.

8Ʋimbai naye ŋguʋa dzose, imi ʋanhu;

Ƌururai mŋoyo yenyu pamberi pake;

Mŋari ndiye ʋutiziro bgeɗu.

9Ɀirokwaɀo ʋanhu ʋasiŋgakudzwi mŋeya cete, ʋuye ʋanhu ʋanokudzwa inhema;

Pakuyerwa haʋaremi;

Ʋose pamŋe cete ʋakareruka kupfuʋura mŋeya.

10Regai kuʋimba nokumanikidza,

Regai kuɀikudza pamsoro pokupambara;

Kana fuma iciwanda, regai kuinamatira nomŋoyo.

11Mŋari wakataura kamŋe cete,

Ndakaɀinzwa kaʋiri;

Kuti simba nderaMŋari;

12Netsitsi ʋo ndedzenyu, Ishe;

Nokuti munoitira munhu mumŋe nomumŋe seɀaakaɓata.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help