1Ɀino namazuʋa iwayo Hezekia akarwara, akaȿikira pakufa. Muprofita Isaya mŋanakomana waAmozi akaȿika kwaari, akati kwaari: Ɀanzi naJehova: Ciraira nhaka yako, nokuti ucafa, hauŋgararami.
2Ipapo Hezekia akatendeʋukira kumadziro, akanyeŋgetera kunaJehova,
3akati: Ƌoraŋgarirai henyu, Jehova, kuti ndakafamba pamberi penyu neɀokwaɗi nomŋoyo wose, ndikaita ɀakanaka pamberi penyu. Hezekia akacema kwaɀo.
4Ipapo shoko raJehova rakaȿika kunaIsaya, riciti:
5Enda undoti kunaHezekia: Ɀanzi naJehova, Mŋari waɓaɓa ʋako Davidi: Ndanzwa kunyeŋgetera kwako, ndaʋona misodzi yako; tarira, ndicawedzera pamazuʋa ako makore anegumi namashanu.
6Ndicakurwira iwe neguta rino paruʋoko rwamambo weAsiria; ʋuye ndicadzitira guta rino.
7Heci ciratidzo caJehova kwauri, kuti Jehova ucaita cinhu ici caakataura:
8Tarira, ndicadzosa mumvuri pamitaro, wakaŋga wadzira nezuʋa pacikati caAhazi, udzoke mitaro inegumi. Naiɀoɀo zuʋa rakadzoka mitaro inegumi pacikati caAhazi, pawakaŋga wadzira.
Rwiyo rwokuʋoŋga rwaHezekia.9 Horwu runyoro rwaHezekia mambo waJuda, paŋguʋa yaakaŋga arwara, akapora ɀe pakurwara kwake.
10Ndakati: Ndicapinda pamasuʋo eSheori aciri masikati pamazuʋa aŋgu;
Ndatorerwa makore aŋgu akaŋga asara.
11Ndakati: Handicazoʋoni Jehova, iye Jehova, panyika yaʋapenyu;
Handicazoʋoni ʋanhu pamŋe cete naʋagere panyika.
12Ʋugaro bgaŋgu bgaputswa, bgabviswa kwandiri setente romufudzi;
Ndapeta ʋupenyu bgaŋgu, somuruki; ucandigura pacirukiso;
Mucandigumisa kubvira maŋgwanani kuȿikira maɗekwana.
13Ndakaɀinyaradza kuȿikira kwaedza; unovuna mafupa aŋgu ose seshumba;
Mucandigumisa kubvira maŋgwanani kuȿikira maɗekwana.
14Ndakarira senyeŋganyeŋga kana kondo;
Ndakacema senjiʋa; meso aŋgu akapera nokutarira kumsoro;
Haiwa Jehova, ndakamanikidzwa, iʋai mumiriri waŋgu imi.
15Ndiŋgatiyiko? Ndiye wakataura neni, ndiye wakaɀiita;
Ndicanatsa kufamba makore aŋgu ose, nokuɗa kwokurwadziwa kwomŋoyo waŋgu.
16Ishe, ʋanhu ʋanorarama neɀinhu iɀoɀi;
Ʋupenyu bgose bgomŋeya waŋgu ʋuri maɀiri;
Naiɀoɀo ndiporesei, mundiraramise.
17Tarirai, kutambudzika kwaŋgu kukuru kwakazondiʋigira rugare;
Asi makarwira mŋeya waŋgu noruɗo pagomba rokuparadzwa;
Nokuti makarashira ɀiʋi ɀaŋgu ɀose shure kwenyu.
18Nokuti Sheori harigoni kukuʋoŋgai, rufu harugoni kukurumbidzai;
Ʋanoɓurukira kugomba haʋaŋgagoni kutarira ɀokwaɗi yenyu.
19Mupenyu, mupenyu, ndiye ucakuʋoŋgai, seɀandinoita nhasi;
Ƃaɓa ʋacaziʋisa ʋana ʋaʋo ɀokwaɗi yenyu.
20Jehova wakaɀigadzira kundiponesa;
Naiɀoɀo ticaimba nziyo dzaŋgu nemiteŋgeranwa
Mazuʋa ose oʋupenyu bgeɗu mumba maJehova.
21Ɀino Isaya wakaŋga ati: Ŋgaʋatore ɓundu ramaʋonde ʋarinamire pamota, ipapo ucapora.
22Hezekia ʋo wakaŋga ati: Ciratidzo ndecipi kuti ndicakwira kuimba yaJehova?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.