I Makoronike 22 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Davidi akati: Iyi ndiyo imba yaJehova Mŋari, neyiyi ndiyo artari yokupisira ɀipiriso ɀaIsraeri.

Davidi unogadzira ɀokuʋaka tembere naɀo.

2Ɀino Davidi wakaraira kuti ʋatorwa ʋakaŋga ʋari panyika yaIsraeri ʋaʋuŋganidzwe; akagadza ʋaʋezi ʋamabge, kuti ʋaʋeze mabge okuʋaka nawo imba yaMŋari.

3Davidi akagadzira ʋo matare mazhinji okupfura nawo mbambo dzamagonhi amasuʋo neɀikorekedzo; ʋuye ndarira zhinji isina‐kuidzwa kurema kwayo.

4Namatanda emisidari asina‐kuʋereŋgwa; nokuti ʋaZidoni naʋeTire ʋakaʋuya nemisidari yakawanda kunaDavidi.

5Davidi akati: Soromoni mŋanakomana waŋgu uciri muɗuku usinesimba, ʋuye imba, inofanira kuʋakirwa Jehova, inofanira kuʋa huru kwaɀo, iŋgarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndicaigadzirira. Naiɀoɀo Davidi akagadzira ɀizhinji asati afa.

6Ipapo akaɗana Soromoni mŋanakomana wake, akamuraira kuti aʋakire Jehova Mŋari waIsraeri imba.

7Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba.

8Asi shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Iwe wakateʋura ropa rakawanda, ʋuye wakarwa ɀizhinji; iwe hauŋgaʋakiri zita raŋgu imba, nokuti wakateʋura ropa rakawanda panyika pamberi paŋgu;

9asi tarira, ucaɓerekerwa mŋanakomana, ucaʋa munhu wezororo; ndicamuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋanomupoteredza; nokuti zita rake ricanzi Soromoni, ndicapa Israeri rugare nokunyarara pamazuʋa ake;

10iye ucaʋakira zita raŋgu imba; iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake; ini ndicasimbisa cigaro cake coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi.

11Ɀino, mŋana waŋgu, Jehova ŋgaaʋe newe; ufambiswe ɀakanaka iwe, uʋake imba yaJehova Mŋari wako, seɀaakataura pamsoro pako.

12Asi Jehova ŋgaakupe kuŋgwara nokucenjera, akuraire pamsoro paIsraeri; kuti saiɀoɀo uceŋgete murairo waJehova Mŋari wako.

13Nokuɗaro ucafambiswa ɀakanaka, kana ucicenjera kuita mitemo neɀakatoŋgwa, ɀakarairwa Mosesi naJehova pamsoro paIsraeri; simba, utsuŋge mŋoyo, usatya kana kuvunduswa.

14Ɀino tarira, ndakatambura ndicigadzirira imba yaJehova matarenta aneɀuru ɀinezana ɀendarama, namatarenta anecuru ceɀuru esirveri; nendarira namatare ɀisinakuidzwa, nokuti ɀakawanda kwaɀo; ndakagadzira ʋo matanda namabge; newe uŋgawedzera hako paɀiri.

15Ʋuye ʋaɓati unaʋo ʋazhinji, ʋaputsi naʋaʋezi ʋamabge namatanda, naʋarume ʋose ʋakaŋgwara pamaɓasa ose;

16ndarama, nesirveri, nendarira, namatare haɀiŋgaʋereŋgwi; simuka, uɓate, Jehova aʋe newe.

17Davidi akaraira ʋo macinda ose aIsraeri kuti ʋaɓatsire Soromoni mŋanakomana wake, akati:

18Ko Jehova Mŋari wenyu haazi nemi here? Haana‐kukuzorodzai kumatiʋi ose here? Nokuti wakaisa ʋanhu ʋagere panyika iyi muruʋoko rwaŋgu; ɀino nyika yakundwa pamberi paJehova napamberi paʋanhu ʋake.

19Ɀino shiŋgairai nemŋoyo yenyu ʋuye nemŋeya yenyu kutȿaka Jehova Mŋari wenyu; naiɀoɀo simukai muʋake imba tȿene yaJehova Mŋari, kuti mugoisa areka yesuŋgano yaJehova nenhumbi tȿene dzaMŋari muimba inofanira kuʋakirwa zita raJehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help