1Aʋa ndiʋo ʋakaenda kunaDavidi paZikragi, acakaʋanda nokuɗa kwaSauro mŋanakomana waKishi; iʋo ʋaiʋa mhare, ʋaimuɓatsira pakurwa.
2Ʋakaŋga ʋakaɓata ʋuta, ʋuye ʋaigona kuposha mabge nemiseʋe noʋuta noruʋoko rworudyi kana rworuɓoshwe ʋo; dzaiʋa hama dzaSauro ʋokwaBenjamini.
3Mukuru wakaŋga ari Ahiezeri, teʋere Joashi, ʋanakomana ʋaShemaa muGibeati; naJezieri, naPereti, ʋanakomana ʋaAzmaveti; naBeraka, naJehu muAnatoti;
4naIshmaya muGibeoni, mhare pakati paʋanamakumi matatu, wairaira ʋanamakumi matatu; naJeremia, naJahazieri, naJohanani, naJozabadi muGederati;
5naEruzai, naJerimoti, naBearia, naShemaria, naShefatia muHarufi;
6naErkana, naIshiya, naAzareri, naJoezeri, naJashobeami, ʋaKora;
7naJoera, naZebadia ʋanakomana ʋaJehorami muGedori.
8Ʋamŋe ʋaʋaGadi ʋakaɀiraʋura ʋo, ʋakaenda kunaDavidi kunhare kurenje, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋarume ʋakaŋga ʋadzidza kurwa, ʋakaŋga ʋacigona kuɓata nhoʋo nepfumo; ɀiso ɀaʋo ɀakaŋga ɀakaita seɀeshumba, ʋuye ʋaimhanya semharapara pamakomo;
9Ezeri wakaŋga ari mukuru, wecipiri Obadia, wecitatu Eriabi;
10wecinna Mismana, weshanu Jeremia;
11wetanhatu Atai, wecinomŋe Erieri;
12worusere Johanani, wepfumbamŋe Erzabadi;
13wegumi Jeremia; wegumi nomumŋe Makbanai.
14Ndiʋo kuʋana ʋaGadi ʋaiʋa ʋakuru ʋehondo; muɗuku kwaʋari wakaŋga akaenzana naʋanezana, nomukuru naʋanecuru cezana.
15Ndiʋo ʋakayambuka Joridani pamŋedzi wokutaŋga, paŋguʋa yarwakafashamira kunhiʋi dzarwo dzose; ʋakadziŋga ʋose ʋakaŋga ʋagere pamipata, kumabvazuʋa nokumaʋirira.
16Naʋamŋe ʋana ʋaBenjamini naʋaJuda ʋakaenda ʋo kunaDavidi munhare.
17Davidi akaɓuɗa akasoŋgana naʋo, akapindura, akati kwaʋari: Kana maʋuya kwandiri norugare kuzondiɓatsira, mŋoyo waŋgu ucaʋa nemi; asi kana maʋuya kuzondinyeŋgera, kundiisa kuʋadziʋisi ʋaŋgu, kunyaŋge ndisineɀakaipa pamaʋoko aŋgu, Mŋari wamadziɓaɓa eɗu ŋgaaɀiʋone, akutukei pamsoro paɀo.
18Ipapo mŋeya wakaʋuya pamsoro paAmasai waiʋa mukuru waʋanamakumi matatu, akati: Tiri ʋanhu ʋenyu, Davidi, tiri kurutiʋi rwenyu, mŋanakomana waJese! Rugare, rugare ŋgaruʋe nemi, rugare ŋgaruʋe naʋaɓatsiri ʋenyu; nokuti Mŋari wenyu unokuɓatsirai. Ipapo Davidi akaʋagamucira, akaʋaita ʋakuru ʋeɓoka.
19KwaManase ʋo ʋakabva ʋamŋe, ʋakaenda kunaDavidi, ŋguʋa yaakaenda naʋaFiristia kundorwa naSauro, asi haʋana‐kuʋaɓatsira; nokuti madzishe aʋaFiristia akaraŋgana, akamudzosa, aciti: Ucatinyeŋgera, acienda kunatenzi wake Sauro, misoro yeɗu ikaʋa panjodzi.
20Ɀino wakati acienda Zikragi, ʋamŋe ʋaManase ʋakabva, ʋakaȿika kwaari, ʋaiti, Adna, naJozabadi, naJediaeri, naMikaeri, naJozabadi, naErihu, naZiretai, ʋakaŋga ʋari ʋakuru ʋecuru camazana pakati paManase.
21Ʋakaɓatsira Davidi pakurwa neɓoka ramakororo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋanesimba noʋumhare, naʋakuru pahondo.
22Zuʋa rimŋe nerimŋe ʋamŋe ʋakaȿika kunaDavidi kuzomuɓatsira, kuȿikira yaʋa hondo huru, sehondo yaMŋari.
23Ndiko kuwanda kwaʋakuru ʋakashoŋgera kurwa, ʋakaenda kunaDavidi paHebroni, kuzodzosera ʋushe bgaSauro kwaari, seɀakarebga naJehova.
24Ʋana ʋaJuda, ʋakaŋga ʋakashoŋga nhoʋo nepfumo, ʋaiʋa neɀuru ɀitanhatu namazana masere, ʋakaŋga ʋakashoŋgera kurwa.
25Kuʋana ʋaSimeoni ʋarume ʋanesimba noʋumhare pakurwa ʋaiʋa neɀuru ɀinomŋe nezana rimŋe.
26Kuʋana ʋaRevi ʋaiʋa neɀuru ɀinna namazana matanhatu.
27Jehoyada waiʋa mutuŋgamiriri weimba yaAroni; ʋakaŋga ʋanaye ʋaiʋa neɀuru ɀitatu namazana manomŋe;
28naZadoki, jaya raiʋa nesimba noʋumhare, naʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋaʋiri.
29Kuʋana ʋaBenjamini, hama dzaSauro, ɀuru ɀitatu; nokuti kuȿikira paŋguʋa iyo ʋazhinji ʋaʋo ʋakaramba ʋakanamatira imba yaSauro.
30Kuʋana ʋaEfraimi ɀuru ɀinamakumi maʋiri namazana masere, ʋarume ʋanesimba noʋumhare, ʋakaŋga ʋanembiri padzimba dzamadziɓaɓa aʋo.
31Kuhafu yorudzi rwaManase, ɀuru ɀinegumi neɀisere, ʋakaŋga ʋakanyorwa mazita aʋo, ʋakaȿika kuzoita Davidi mambo.
32Kuʋana ʋaIsakari, ʋarume ʋaiziʋa ŋguʋa ɀakanaka, ʋuye kuti ʋaIsraeri ʋanofanira kuitei, ʋakuru ʋaʋo ʋaiʋa mazana maʋiri; hama dzaʋo dzose dzairairwa naʋo.
33KuʋaZeburuni, aʋo ʋaigona kufamba namapoka, nokugona kuroŋgedza hondo, ʋakaɓata nhumbi dzose dzokurwa nadzo, ʋaiʋa neɀuru ɀinamakumi mashanu; ʋaigona kurwa ʋasinemŋoyo miʋiri.
34KuʋaNaftari ʋakuru ʋanecuru cimŋe, ʋuye ʋamŋe ʋakaŋga ʋakaɓata nhoʋo nepfumo ʋaiʋa naʋo, ɀuru ɀinamakumi matatu neɀinomŋe.
35KuʋaDani ʋaigona kuroŋgedza hondo, ɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀisere namazana matanhatu.
36KuʋaAsheri, aʋo ʋaigona kufamba namapoka, nokugona kuroŋgedza hondo, ɀuru ɀinamakumi manna.
37Ʋuye mhiri kwaJoridani, kuʋaRubeni naʋaGadi nehafu yorudzi rwaManase, aʋo ʋaiʋa nenhumbi dzose dzokurwa nadzo, ɀuru ɀinamakumi maʋiri.
38Aʋa ʋose, ʋarume ʋehondo, ʋaigona kuroŋgedza hondo, ʋakaȿika paHebroni nemŋoyo yakarurama kwaɀo, kuzoita Davidi mambo waʋaIsraeri ʋose; naʋaIsraeri ʋamŋe ʋose ʋakaŋga ʋanomŋoyo mumŋe kuita Davidi mambo.
39Ʋakagara’po naDavidi mazuʋa matatu, ʋakadya nokunwa, nokuti hama dzaʋo dzakaŋga dzaʋagadzirira.
40Ʋuye ʋamŋe ʋakaŋga ʋagere pedyo naʋo kuȿikira kwaIsakari naZeburuni naNaftari, ʋakaʋuya neɀokudya ɀakatakurwa nemboŋgoro, namakamera, namahesera, nenzombe, ɀiri ɀokudya ɀoʋupfu, namapundu amaʋonde, namasumbu amazambiriŋga akawoma, newaini, namafuta, nenzombe, namakwai mazhinji; nokuti mufaro wakaŋga uri’po pakati paIsraeri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.