Isaya 15 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Cireʋo pamsoro paMoabi.

1Cireʋo pamsoro paMoabi. Nokuti ʋusiku Ari reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa; nokuti ʋusiku Kiri reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa.

2Ʋakwira Bayiti, neDiboni, kumatunhu akakwirira, kundocema’po; ʋaMoabi ʋanocema pamsoro peNebo napaMedeba; misoro yaʋo yose inemhazha, ndebvu dzose dzakaʋeʋurwa.

3Panzira dzomumisha yaʋo ʋakaɀisuŋga namakudza, pamsoro pedzimba dzaʋo, napamaɗare aʋo, mumŋe nomumŋe unowuŋgudza acicema ɀikuru.

4Heshboni rinoɗanidzira, neEreari; inzwi raʋo rinonzwika kuȿikira paJahazi; saka ʋarwi ʋaMoabi ʋanoɗanidzira ɀikuru; mŋeya wake unoɗeɗera mukati make.

5Mŋoyo waŋgu unoɗanidzira pamsoro paMoabi; ʋakuru ʋaʋo ʋanotizira Zoari, neEgrati‐sherishiya; nokuti ʋanokwira mukwidzwa waRuhiti ʋacicema; nokuti panzira inoenda Horonaimi ʋanocema nokucema kwokuparadzwa.

6Nokuti mvura yeNimrimi icaparadzwa; nokuti ʋuswa bgawoma, ɓumhudza rapera, hapacinacinomera citema.

7Saka ɀizhinji ɀaʋakawana, neɀaʋakaceŋgeta, ʋacayambuka naɀo parukoʋa rwemikonacando.

8Nokuti kucema kwapotereka kunyika yose yaMoabi; kuwuŋgudza kwake kuȿikira paEgraimi, nokuwuŋgudza kwake kuȿikira paBeeri‐erimi.

9Nokuti mvura yeDimoni izere neropa; nokuti ndicawedzera kuroʋa Dimoni, ndicatuma shumba iparadze ʋakapukunyuka ʋaMoabi, naʋakasara panyika.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help