1Cireʋo pamsoro paMoabi. Nokuti ʋusiku Ari reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa; nokuti ʋusiku Kiri reMoabi rakaitwa ɗoŋgo, rakaparadzwa.
2Ʋakwira Bayiti, neDiboni, kumatunhu akakwirira, kundocema’po; ʋaMoabi ʋanocema pamsoro peNebo napaMedeba; misoro yaʋo yose inemhazha, ndebvu dzose dzakaʋeʋurwa.
3Panzira dzomumisha yaʋo ʋakaɀisuŋga namakudza, pamsoro pedzimba dzaʋo, napamaɗare aʋo, mumŋe nomumŋe unowuŋgudza acicema ɀikuru.
4Heshboni rinoɗanidzira, neEreari; inzwi raʋo rinonzwika kuȿikira paJahazi; saka ʋarwi ʋaMoabi ʋanoɗanidzira ɀikuru; mŋeya wake unoɗeɗera mukati make.
5Mŋoyo waŋgu unoɗanidzira pamsoro paMoabi; ʋakuru ʋaʋo ʋanotizira Zoari, neEgrati‐sherishiya; nokuti ʋanokwira mukwidzwa waRuhiti ʋacicema; nokuti panzira inoenda Horonaimi ʋanocema nokucema kwokuparadzwa.
6Nokuti mvura yeNimrimi icaparadzwa; nokuti ʋuswa bgawoma, ɓumhudza rapera, hapacinacinomera citema.
7Saka ɀizhinji ɀaʋakawana, neɀaʋakaceŋgeta, ʋacayambuka naɀo parukoʋa rwemikonacando.
8Nokuti kucema kwapotereka kunyika yose yaMoabi; kuwuŋgudza kwake kuȿikira paEgraimi, nokuwuŋgudza kwake kuȿikira paBeeri‐erimi.
9Nokuti mvura yeDimoni izere neropa; nokuti ndicawedzera kuroʋa Dimoni, ndicatuma shumba iparadze ʋakapukunyuka ʋaMoabi, naʋakasara panyika.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.