1Ndiyeyi buku yamarudzi aAdama. Musi waakasika munhu, Mŋari wakamuita nomufananidzo waMŋari;
2wakaʋasika murume nomukadzi; akaʋaropafadza, akaʋatumidza zita rinonzi Munhu, musi waʋakasikwa.
3Adama wakagara makore anezana namakumi matatu, akaɓereka mŋanakomana wakafanana naye, wakamutodza; akamutumidza zita rinonzi Seti.
4Mazuʋa aAdama shure kwokuɓerekwa kwaSeti akaŋga ari makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
5Mazuʋa ose oʋupenyu bgaAdama akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matatu, akafa.
6Seti wakagara makore anezana namashanu, akaɓereka Enoshi;
7Seti akagara makore anamazana masere namanomŋe shure kwokuɓerekwa kwaEnoshi, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
8mazuʋa ose aSeti akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi namaʋiri, akafa.
9Enoshi wakagara makore makumi mapfumbamŋe, akaɓereka Kenani;
10Shure kwokuɓerekwa kwaKenani Enoshi akagara makore anamazana masere negumi namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
11mazuʋa ose aEnoshi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namashanu, akafa.
12Kenani wakagara makore makumi manomŋe, akaɓereka Maharareri;
13shure kwokuɓerekwa kwaMaharareri Kenani wakagara makore anamazana masere namakumi manna; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
14Mazuʋa ose aKenani akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe negumi, akafa.
15Maharareri wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Jaredi;
16shure kwokuɓerekwa kwaJaredi, Maharareri akagara makore anamazana masere namakumi matatu, akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
17mazuʋa ose aMaharareri akaŋga ari makore anamazana masere namakumi mapfumbamŋe namashanu, akafa.
18Jaredi wakagara makore anezana namakumi matanhatu namaʋiri, akaɓereka Enoki;
19shure kwokuɓerekwa kwaEnoki Jaredi akagara makore anamazana masere; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana;
20mazuʋa ose aJaredi akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namaʋiri, akafa.
21Enoki wakagara makore makumi matanhatu namashanu, akaɓereka Metusara;
22shure kwokuɓerekwa kwaMetusara, Enoki wakafamba naMŋari makore anamazana matatu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
23Mazuʋa ose aEnoki akaŋga ari makore anamazana matatu namakumi matanhatu namashanu.
24Enoki akafamba naMŋari, akasazoʋa’po, nokuti Mŋari wakamutora.
25Metusara wakagara makore anezana namakumi masere namanomŋe, akaɓereka Rameki;
26shure kwokuɓerekwa kwaRameki, Metusara akagara makore anamazana manomŋe namakumi masere namaʋiri; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
27Mazuʋa ose aMetusara akaŋga ari makore anamazana mapfumbamŋe namakumi matanhatu namapfumbamŋe, akafa.
28Rameki wakagara makore anezana namakumi masere namaʋiri; akaɓereka mŋanakomana;
29akamutumidza zita rinonzi Noa, aciti: Uyu ucatiʋaraidza paɓasa reɗu napakutambudzika kwamaʋoko eɗu, ɀinobva panyika yakatukwa naJehova.
30Shure kwokuɓerekwa kwaNoa, Rameki akagara makore anamazana mashanu namakumi mapfumbamŋe namashanu; akaɓereka ʋanakomana naʋanasikana.
31Mazuʋa ose aRameki akaŋga ari makore anamazana manomŋe namakumi manomŋe namanomŋe, akafa.
32Noa wakaŋga anamakore anamazana mashanu; Noa akaɓereka Shemi, naHami, naJafeti.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.