Mapisarema 66 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo rwomufaro pamsoro pokukunda.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Rwiyo nePisarema.

1Pururudzai kunaMŋari, imi nyika dzose;

2Imbirai mukurumbira wezita rake;

Rumbidzai kudzo yake.

3Itiyi kunaMŋari: Maɓasa enyu anotyisa sei!

Ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaɀiisa pasi penyu nemhaka yoʋukuru bgesimba renyu.

4Pasi pose pacanamata kwamuri,

Pacakuimbirai;

Ʋacaimbira zita renyu.

5Ʋuyai, muʋone maɓasa aMŋari;

Unotyisa paneɀaanoitira ʋana ʋaʋanhu.

6Wakashandura guŋgwa rikaʋa nyika yakawoma;

Ʋakayambuka rwizi netsoka;

Ipapo takafara maari.

7Unoɓata ʋushe nokusiŋgaperi nesimba rake;

Meso ake anocerekedza ndudzi;

Ʋanomumukira ŋgaʋarege kuɀikudza.

8Ʋoŋgai Mŋari, imi ʋanhu,

Inzwi rokumurumbidza ŋgarinzwike;

9Iye unopa mŋeya yeɗu ʋupenyu,

Usiŋgatenderi tsoka dzeɗu kuti dzitedzemuke.

10Nokuti imi Mŋari makatiidza;

Makatiidza seɀinoidzwa sirveri.

11Makatipinza pamumbure;

Makatitakudza mutoro unorema paɀiʋuno ɀeɗu.

12Makafambisa ʋanhu pamsoro pemisoro yeɗu;

Takapinda nomumŋoto nemvura;

Asi makatiɓuɗisa kunɀimbo ineɀakawanda.

13Ndicapinda mumba menyu neɀipiriso ɀinopiswa,

Ndicakuitirai mhiko dzaŋgu,

14Dzakarebga nemiromo yaŋgu,

Dzakataurwa nomuromo waŋgu pakutambudzika kwaŋgu.

15Ndicakuɓayirai ɀipiriso ɀinopiswa ɀeɀakakora,

Neɀinonhuwira ɀamakondobge;

Ndicaɓayira nzombe pamŋe cete nembudzi.

16Ʋuyai munzwe, imi mose munotya Mŋari,

Ndicakuɗudzirai ɀaakaitira mŋeya waŋgu.

17Ndakacema kwaari nomuromo waŋgu,

Akarumbidzwa ɀikuru norurimi rwaŋgu.

18Kana ndikaraŋgarira ɀakaipa mumŋoyo maŋgu,

Ishe haaŋgandinzwi;

19Asi ɀirokwaɀo Mŋari wakanzwa;

Wakaterera inzwi rokunyeŋgetera kwaŋgu.

20Mŋari ŋgaaʋoŋgwe,

Iye usina‐kuramba munyeŋgetero waŋgu, kana kubvisa tsitsi yake kwandiri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help