Mapisarema 48 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Zioni guta raMambo Mukuru.Rwiyo; Pisarema raʋanakomana ʋaKora.

1Jehova mukuru, unofanira kurumbidzwa kwaɀo,

Muguta raMŋari weɗu, mugomo rake dɀene.

2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wapasi pose,

Ndiɀo ɀakaita gomo reZioni, pamatiʋi okumsoro,

Ndiɀo ɀakaita guta raMambo mukuru.

3Padzimba dzaro dzamambo Mŋari wakaɀiratidza kuti ndiye nhare.

4Nokuti tarirai, madzimambo akaʋuŋgana,

Akapfuʋura pamŋe cete.

5Ʋakariʋona, ʋakashamiswa;

Ʋakavunduka, ʋakakurumidza kutiza.

6Ʋakaɓatwa’po nokuɗeɗera;

Nokurwadziwa, somukadzi unopona.

7Munoputsa ɀikepe ɀeTarshishi,

Nemhepo, inobva mabvazuʋa.

8Seɀatakanzwa, ndiɀo ɀatakaʋona

Paguta raJehova wehondo, iro guta raMŋari weɗu;

Mŋari ucarisimbisa nokusiŋgaperi.

9Takafuŋga ʋunyoro bgenyu, Mŋari,

Mukati metembere yenyu.

10Seɀakaita zita renyu, Mŋari,

Ndiɀo ɀakaita ʋo kurumbidzwa kwenyu kuȿikira kumigumo yapasi pose;

Ruʋoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11Gomo reZioni ŋgarifare,

Ʋakunda ʋaJuda ŋgaʋafare kwaɀo,

Nokuɗa kweɀamakatoŋga.

12Poteredzai Zioni, mupote naro,

Muʋereŋge shoŋgwe dzaro.

13Cerekedzai ɀakanaka nhare dzaro,

Fambai pakati pedzimba dzaro dzamambo;

Kuti muzoʋudza ʋazukuru ʋenyu ʋanoteʋera.

14Nokuti Mŋari uyu ndiye Mŋari weɗu nokusiŋgaperi‐peri;

Iye ucaʋa muperekedzi weɗu kuȿikira pakufa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help