Jobo 11 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Zofari unotuka Jobo, unomuraira kurega ɀiʋi ɀake nokutendeʋukira kunaMŋari.

1Ipapo Zofari muNaamati wakapindura, akati:

2Ko mashoko mazhinji akaɗai haaŋgapindurwi here?

Munhu unoshoshoma uŋgaruramisirwa here?

3Manyawi ako aŋgafanira kunyaradza ʋanhu here?

Kana uciɗaɗira, hakuna‐uŋgakunyadza here?

4Nokuti iwe unoti: Ɀandinoparidza ndeɀaɀokwaɗi,

Ndakacena pamberi penyu.

5Asi, haiwa! Ƌai Mŋari hake acitaura,

Ashamise miromo yake pamsoro pako;

6Akuratidze ɀakaʋanzwa ɀokuŋgwara,

Kuti kunamatiʋi mazhinji.

Uziʋe naiɀoɀo kuti Mŋari unokaŋganwira ɀimŋe ɀakaipa ɀako.

7Uŋganzwisisa ɀakadzika ɀaMŋari here?

Uŋgakwanisa kunzwisisa iye Wamasimba ose here?

8Ɀakakwirira sokuɗeŋga; iwe uŋgaiteiko?

Ɀakadzika kupfuʋura bgiro; iwe uŋgaziʋeiko?

9Kureɓa kwaɀo kunopfuʋura nyika,

Ʋuye ʋupamhi bgaɀo ʋunopfuʋura guŋgwa.

10Kana iye akapfuʋura, akapfigira mutoroŋgo,

Akakokera ʋanhu kukutoŋgwa, ndiani uŋgamudziʋisa?

11Nokuti iye unoziʋa ʋanhu ʋenhema;

Unoʋona ʋo ɀakaipa, kunyaŋge asiŋgaɀifuŋgi.

12Asi munhu usakacenjera unoshaiwa kunzwisisa,

Ɀirokwaɀo, munhu unoɀarwa semhuru yembizi.

13Kana iwe ukaruramisa mŋoyo wako,

Ukatambanudzira maʋoko ako kwaari;

14Kana ɀakaipa ɀiri muruʋoko rwako, uɀiise kure,

Kusarurama ŋgakurege kugara mumatente ako;

15Ɀirokwaɀo ipapo uŋgasimudza ciso cako, usinegwapa,

Ɀirokwaɀo, ucasimba, usiŋgatyi cinhu.

16Nokuti ucakaŋganwa njodzi yako,

Ucairaŋgarira semvura yapfuʋura;

17Ʋupenyu bgako bgucaʋara kupfuʋura masikati makuru;

Kunyaŋge kunerima, kucaʋa samaŋgwanani.

18Iwe ucasimba pamŋoyo, nokuti tariro icaʋa’po;

Ɀirokwaɀo, ucariŋgariŋga ndokuzorora hako wakaceŋgetwa.

19Ucaʋata hako pasi, hakuna‐uŋgakutyisa;

Ɀirokwaɀo, ʋazhinji ʋacatȿaka kukufadza.

20Asi meso aʋakaipa acapera nokutarira,

Ʋacashaiwa pokutizira’po,

Tariro yaʋo icaʋa yokufa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help