II Madzimambo 18 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Hezekia mambo waJuda.

1Ɀino negore recitatu raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Hezekia mŋanakomana waAhazi mambo waJuda wakataŋga kuɓata ʋushe.

2Akataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore anamakumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Abi mukunda waZekaria.

3Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, seɀakaita ɓaɓa ʋake Davidi.

4Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shoŋgwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsa‐putsa nyoka yendarira yakaŋga yakaitwa naMosesi; nokuti kuȿikira pamazuʋa iwayo ʋana ʋaIsraeri ʋaiipisira ɀinonhuwira; akaitumidza Nehustani.

5Akatenda kunaJehova Mŋari waIsraeri; naiɀoɀo hakuna‐wakaŋga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJuda, kunaʋakamuteʋera, kana ʋakamutaŋgira.

6Nokuti wakanamatira Jehova, haana‐kutsauka pakumuteʋera; asi wakaceŋgeta mirairo yake, yakarairwa Mosesi naJehova.

7Jehova akaʋa naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa ɀakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.

8Akakunda ʋaFiristia kuȿikira paGaza nenyika yaro, kubva pacirindo comurindi kuȿikira pamaguta akakombga noruȿiŋgo.

9Ɀino negore recinna ramambo Hezekia, riri gore recinomŋe raHoshea mŋanakomana waEra mambo waIsraeri, Sharmaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.

10Pakupera kwamakore matatu ʋakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamŋe raHoshea mambo waIsraeri.

11Mambo weAsiria akatapa ʋaIsraeri, akaenda naʋo Asiria, akaʋaisa paHara, napaHabori, parwizi Gozani, nomumaguta aʋaMedi;

12nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova Mŋari waʋo, asi ʋakaɗarika suŋgano yake, iɀo ɀose ɀaʋakaŋga ʋarairwa naMosesi muranda waJehova, ʋakaramba kunzwa, kana kuɀiita.

Sanheribi mambo weAsiria unokomba Jerusarema, asi ʋaJuda ʋanorwirwa naJehova.

13Ɀino negore regumi namanna ramambo Hezekia, Sanheribi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJuda akakombga namaȿiŋgo, akaakunda.

14Ɀino Hezekia mambo waJuda akatuma shoko kunamambo weAsiria paRakishi, akati: Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; ɀose ɀamunoreʋa kwandiri ndicaɀiripa. Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo waJuda matarenta anamazana matatu esirveri namatarenta anamakumi matatu endarama.

15Hezekia akamupa sirveri yose yakaŋga iri mumba maJehova, napafuma yeimba yamambo.

16Neŋguʋa iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikoʋa yeimba yaJehova, napambiru dzakaŋga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJuda, akaipa mambo weAsiria.

17Ɀino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamacinda, nomukuru waʋatariri ʋabve Rakishi nehondo huru ʋaende kunaHezekia paJerusarema. Iʋo ʋakaenda, ʋakaȿika Jerusarema. Ɀino ʋakati ʋaȿika, ʋakamira pamugero wedziʋa rokumsoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.

18Ɀino ʋakati ʋaɗana mambo, Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waiceŋgeta imba, naShebna munyori, naJoa mŋanakomana waAsafi sahwira, ʋakaɓuɗira kwaʋari.

19Ɀino mukuru waʋatariri akati kwaʋari: Ɀino imi muti kunaHezekia: Ɀanzi namambo mukuru, mambo weAsiria: Caunoʋimba naco cinyi?

20Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo): Mano nesimba ɀokurwa naɀo ɀiri’po haɀo. Ɀino unoʋimba naniko, ɀawandimukira ini?

21Tarira ɀino, unoʋimba nomuɗonɀo worutsaŋga urwu rwakapxanyika, Egipita, runoti kana munhu akasendama kwaruri, rucapinda muruʋoko rwake, rukamuɓaya; ndiɀo ɀakaita Farao mambo weEgipita kunaʋose ʋanoʋimba naye.

22Asi kana ukati kwandiri: Tinoʋimba naJehova Mŋari weɗu, ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira neartari dzake naHezekia, akati kunaJuda naJerusarema: Munofanira kunamata pamberi peartari iri paJerusarema, here?

23Naiɀoɀo ɀino, cipikiranai henyu natenzi waŋgu mambo weAsiria, ndikupe mabiza aneɀuru ɀiʋiri, kana iwe ukagona kuisa ʋataȿi pamsoro pawo.

24Uŋgagona seiko kukunda mukuru mumŋe kunaʋaɗuku ʋaʋaranda ʋatenzi ʋaŋgu, kana ukaʋimba neEgipita kuti upiwe ŋgoro namabiza naʋo?

25Ini ndaʋuya kuzorwa nenɀimbo iyi kuti ndiiparadze ndisinaJehova here? Ndiye Jehova wakati kwandiri: Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.

26Ipapo Eriakimi mŋanakomana waHirkia, naShebna, naJoa ʋakati kumukuru waʋatariri: Tinokumbira kuti mutaure henyu naʋaranda ʋenyu norurimi rweciAramia, nokuti tinocinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwaʋaJuda, ʋanhu ʋose ʋari paruȿiŋgo ʋaɀinzwe.

27Asi mukuru waʋatariri wakati kwaari: Tenzi waŋgu wakandituma kunatenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana‐kundituma here kuʋanhu ʋagere pamsoro poruȿiŋgo, kuti ʋadye ndoʋe yaʋo nemvura yaʋo pamŋe cete nemi?

28Ipapo mukuru waʋatariri akamira, akaɗanidzira nenzwi guru norurimi rwaʋaJuda, akataura, aciti: Inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.

29Ɀanzi namambo: Hezekia ŋgaarege kukunyeŋgerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaʋoko ake;

30Hezekia ŋgaarege kukuʋimbisai naJehova, aciti: Jehova ucatirwira ɀirokwaɀo, ʋuye kuti guta iri hariŋgaiswi mumaʋoko amambo weAsiria.

31Musaterera Hezekia, nokuti ɀanzi namambo weAsiria: Yananai neni, muɓuɗirei kwandiri, mudye mumŋe nomumŋe muzambiriŋga wake, mumŋe nomumŋe muʋonde wake, munwe mumŋe nomumŋe mvura yetsime rake;

32kuȿikira ini ndaʋuya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ineɀiyo newaini, nyika ineciŋgwa neminda yemizambiriŋga, nyika inamafuta emiorivi noʋuci, murarame, murege kufa; regai kuterera Hezekia, kana acikugombedzerai, aciti: Jehova ucatirwira.

33Ko mumŋe waʋamŋari ʋendudzi wakatomborwira nyika yake paruʋoko rwamambo weAsiria here?

34Ʋamŋari ʋeHamati neArpadi ʋaripi? Ʋamŋari ʋeSefarvaimi, neHena, neIva ʋaripi? Ʋakarwira Samaria paruʋoko rwaŋgu here?

35Ndaʋapiko pakati paʋamŋari ʋose ʋenyika ʋakarwira nyika yaʋo paruʋoko rwaŋgu, ɀamunoti Jehova ucarwira Jerusarema paruʋoko rwaŋgu?

36Asi ʋanhu ʋakaramba ʋanyerere, haʋana‐kumupindura shoko rimŋe, nokuti murairo wamambo wakaŋga uciti: Regai kumupindura.

37Ɀino Eriakimi mŋanakomana waHirkia, waitarira imba, naShebna munyori, naJoa, mŋanakomana waAsafi sahwira, ʋakaenda kunaHezekia, ŋguʋo dzaʋo dzabvarurwa, ʋakamuʋudza mashoko omukuru waʋatariri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help