II Petro 3 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kudzoka kwaKristu.

1Ʋaɗikanwa, iyi ndiyo ŋwadi yecipiri yandinokunyorerai ɀino; panaidzedzi dzose mbiri ndinomutsa ndaŋgariro dzenyu ndicikuyeʋudzirai;

2kuti mugoraŋgarira mashoko akataurwa kare naʋaprofita ʋatȿene, nomurairo waShe, Muponesi, wamakapiwa naʋaapostora ʋenyu;

3pakutaŋga muziʋe henyu cinhu ici, kuti pamazuʋa okupedzisira ʋaseki ʋacaʋuya ʋaciseka, ʋacifamba nokuciʋa kwaʋo,

4ʋaciti: Cipikirwa cokuʋuya kwake ciripiko ɀino? Nokuti kubva pakuparara kwamadziɓaɓa, ɀinhu ɀose ɀinoŋgoramba ɀakaita seɀaɀakaŋga ɀakaita kubva pakutaŋga kwokusikwa.

5Nokuti ʋanokaŋganwa nobgoni cinhu ici, kuti kare ɗeŋga raiʋa’po, nenyika yakaɓuɗiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMŋari;

6naɀo nyika, yaiʋa’po ŋguʋa iyo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa;

7asi ɗeŋga, riri’po ɀino, nenyika, ɀakaʋigirwa mŋoto neshoko ireri, ɀinoceŋgetererwa zuʋa rokutoŋga, nerokuparadzwa kwaʋanhu ʋasiŋgaɗi Mŋari.

8Asi ʋaɗikanwa, musakaŋganwa cinhu cimŋe ici, kuti kunaShe zuʋa rimŋe rakaita samakore anecuru, namakore anecuru sezuʋa rimŋe.

9Ishe haanonoki kuita seɀaakapikira, seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti: Hunonoka; asi unomŋoyo murefu kwamuri, nokuti haaɗi kuti ʋamŋe ʋarashike, asi kuti ʋose ʋatendeʋuke.

10Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa.

11Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari,

12imi munotarira nokushuʋa ʋo kwaɀo kuʋuya kwezuʋa raMŋari; naro ɗeŋga ricaparadzwa nokutȿa, neɀeɗeŋga ɀicanyauka ɀicipiswa.

13Asi seɀaakapikira, tinotarira ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, munogara kururama maɀiri.

14Saka ʋaɗikanwa, ɀamunotarira ɀinhu iɀi, shiŋgairai kuti muwanikwe naye munorugare, musinoruʋara, musinemhoȿa;

15muciti, mŋoyo murefu waShe weɗu ruponeso; saPauro, hama yeɗu inoɗikanwa, akakunyorerai ʋo nokucenjera kwaakapiwa;

16seɀaanotaura muŋwadi dzake dzose pamsoro peɀinhu iɀi; madziri muneɀimŋe ɀikukutu kunzwisiswa; ɀinominamiswa, samamŋe magwaro ʋo, naʋasiŋgaziʋi naʋasinesimba, kuȿikira ʋaparadzwa.

17Naiɀoɀo imi ʋaɗikanwa, ɀamunoziʋa ɀinhu iɀi ɀisati ɀaitwa, cenjerai kuti murege kurashwa nokutsauka kwaʋakashata, muwe pakusimba kwenyu.

18Asi kurai panyasha napakuziʋa Ishe weɗu, Muponesi Jesu Kristu. Ŋgaaʋe nokubginya ɀino, nokusiŋgaperi. Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help