Isaya 16 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Tumirai muɓati wenyika makwaiana, abve Sera aende kurenje, kugomo romukunda weZioni.

2Nokuti seshiri dzinodzuŋgaira, seɗendere rakaparadzirwa, ndiɀo ɀicaita ʋakunda ʋaMoabi pamazambuko aArnoni.

3Ita mano, ruramisira; mumvuri wako uuite soʋusiku pakati pamasikati makuru; ʋanza ʋadziŋgwa, usapandukira unotiza.

4Ʋanhu ʋaŋgu ʋakadziŋgwa ŋgaʋagare newe; kana ari Moabi, uʋe kwaari paaŋgaʋanda pamberi pomuparadzi; nokuti mutambudzi haaci’po, kuparadza kwapera, ʋamanikidzi ʋabva panyika.

5Cigaro coʋushe cicamiswa netsitsi; mumŋe ucagara pamsoro paco neɀokwaɗi, mutente raDavidi, acitoŋga, acitȿaka kururamisira ʋanhu, acikurumidza kuita ɀakarurama.

6Takanzwa ɀokuɀikudza kwaMoabi, kuti unoɀikudza kwaɀo; ɀamanyawi ake, nokuɀikudza kwake, nehasha dzake; asi kuɀirumbidza kwake hakunamaturo.

7Saka Moabi ucacema Moabi, mumŋe nomumŋe ucacema; mucacemera mapundu amazambiriŋga eKiri‐hareseti, mamanikidzwa kwaɀo.

8Nokuti minda yeHeshboni yawoma, nomuzambiriŋga weSibma; madzishe amarudzi avuna mataʋi awo akanaka, akaŋga aciȿikira Jazeri, akaŋga atandira kurenje; mataʋi awo akaŋga atandaʋara, ayambukira guŋgwa.

9Saka ndicacema nokucema kwaJazeri ndicicemera muzambiriŋga weSibma; ndicakuɗiridza, iwe Heshboni neEreare nemisodzi yaŋgu; nokuti mhere yokurwa yawira pamsoro peɀiɓereko ɀako ɀezhezha napamsoro pokukohwa kwako.

10Mufaro wabviswa, nokufara pamunda waiɓereka ɀakanaka; paminda yemizambiriŋga hapacazoʋi nokuimba kana inzwi romufaro; hapacazoʋi muȿiniri unoȿinira mazambiriŋga paɀiȿiniro; ndagumisa kupururudza.

11Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unorira sembira pamsoro paMoabi, neɗumbu raŋgu pamsoro peKiri‐heresi.

12Ɀino kana Moabi aciɀiratidza pamberi paJehova, kana aciɀinetsa paɗunhu rakakwirira, nokupinda panɀimbo yake tȿene kuzonyeŋgetera, haaŋgatoŋgoɓatsirwi cinhu.

13Ndirori shoko rakataurwa naJehova pamsoro paMoabi paŋguʋa yakare.

14Asi ɀino Jehova wakataura aciti: Makore matatu asati apfuʋura, samakore omunhu unoɓatira muɓairo, kukudzwa kwaMoabi kucaɀidzwa, pamŋe cete naʋanhu ʋake ʋazhinji; ʋakasara ʋacaʋa ʋashoma kwaɀo, ʋasinesimba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help