Mapisarema 73 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

BUKU IIIMufaro waʋakaipa ndoweŋguʋa ɗuku.Pisarema raAsafi.

1Ɀirokwaɀo Mŋari unoitira Israeri ɀakanaka,

Iʋo ʋanemŋoyo yakacena.

2Asi kana ndirini, tsoka dzaŋgu dzakaŋga dzotsauka;

Makumbo aŋgu akaŋga otedzemuka.

3Nokuti ndakaŋga ndicigoɗora ʋanamanyawi,

Pakuʋona kwaŋgu kufara kwaʋakaipa.

4Nokuti haʋatambudziki pakufa kwaʋo;

Asi muʋiri waʋo unesimba.

5Haʋanenjodzi saʋamŋe ʋanhu;

Haʋatambudzwi saʋamŋe ʋanhu.

6Saka kuɀikudza kwaʋo kwakafanana noruketani pamitsipa yaʋo;

Kumanikidza kunoʋafukidza seŋguʋo.

7Meso aʋo anoɓuɗa nokukora;

Ɀaʋanofuŋga pamŋoyo ɀinofashamira;

8Ʋanoseka, ʋacireʋa pakuipa kwaʋo ɀinomanikidza ʋamŋe;

Ʋanotaura ʋaciɀikudza.

9Ʋakataurira kuɗeŋga nemiromo yaʋo,

Ndimi dzaʋo dzinofamba‐famba pasi.

10Saka ʋanhu ʋake ʋanodzokera ikoko;

Ʋanoȿinirwa mvura zhinji, mukombe uzere.

11Ɀino ʋanoti: Mŋari uŋgaziʋa seiko?

Wokumsoro‐soro uŋgaʋa nokuziʋa here?

12Tarirai, ndiɀo ɀakaita ʋakaipa;

Ʋanowedzera fuma yaʋo ʋaciŋgogara ʋasiŋgatamburi.

13Ɀirokwaɀo ndakanatsa mŋoyo waŋgu pasina,

Nokushambidza maʋoko aŋgu ndisinemhoȿa;

14Nokuti ndakatambudzwa zuʋa rose,

Ndakaraŋgwa maŋgwanani ose.

15Kana ndaiti: Ndicataura kuɗai;

Tarirai, ndainyeŋgera rudzi rwaʋana ʋenyu.

16Ɀino ndakaramba ndicifuŋga kuti ndiɀinzwisise,

Asi ɀakandiremera kwaɀo;

17Kuȿikira ndapinda panɀimbo tȿene yaMŋari,

Ndikatarira kuguma kwaʋo.

18Ɀirokwaɀo munoʋaisa panotedza;

Munoʋawisira pasi kuti ʋaparadzwe.

19Haiwa, ʋanoparadzwa kamŋe‐kamŋe!

Ʋanopedzwa cose neɀinotyisa.

20Seɀakarotwa, kana munhu apepuka;

Saiɀoɀo, Ishe, mucashoʋora mufananidzo waʋo, kana mucimuka.

21Nokuti mŋoyo waŋgu wakacema,

Ndakaɓayiwa patȿo dzaŋgu.

22Ndakaŋga ndiri ɓenzi, ndisiŋgaziʋi cinhu;

Ndakaŋga ndakafanana nemhuka pamberi penyu.

23Kunyaŋge ɀakaɗaro ndinoramba ndinemi;

Makaɓata ruʋoko rwaŋgu rworudyi.

24Mucandiperekedza nezano renyu,

Ndokuzondigamucira pakubginya.

25Ndianiko kuɗeŋga, kana musi’mi?

Napasi hapana‐wandinoɗa kunze kwenyu.

26Nyama yaŋgu nomŋoyo waŋgu ɀinopera;

Asi Mŋari ndiye ɗombo romŋoyo waŋgu nomugoʋe waŋgu nokusiŋgaperi.

27Nokuti tarirai, ʋari kure nemi ʋacapera;

Makaparadza ʋose ʋakakusiyai noʋupombge bgaʋo.

28Kana ndirini, kusweɗera pedyo ari ndiɀo ɀinondifadza;

Ishe Mŋari ndakamuita nhare yaŋgu,

Kuti ndiparidze maɓasa enyu ose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help