1Ʋuyai, tidzokere kunaJehova; nokuti wakabvambura, asi ucatipodza ɀe; wakaroʋa, asi ucatisuŋga ɀe patakakuʋara.
2Kana mazuʋa maʋiri apera ucatiraramisa, nezuʋa recitatu ucatimutsa ɀe, tirarame pamberi pake.
3Ŋgatimuziʋe, ŋgatishiŋgaire kuziʋa Jehova; kuɓuɗa kwake kwakatemŋa sokwamaŋgwanani; ucaʋuya kwatiri semvura, semvura yokuteʋerera inoɗiridza nyika.
Efraimi naJuda ʋanotukwa.4Haiwa, Efraimi, ndicakuitei? Haiwa, Juda ndicakuitei? Nokuti kunaka kwenyu kwakaita semhute yamaŋgwanani, ʋuye seɗoʋa rinokurumidza kuenda.
5Naiɀoɀo ndakaʋatema naʋaprofita; ndakaʋaʋuraya namashoko omuromo waŋgu, ɀandakatoŋga ɀakaita seciedza cinoɓuɗa.
6Nokuti ndinoɗa ruɗo, handiɗi ɀiɓayiro, ʋuye kuziʋa Mŋari kupfuʋura ɀipiriso ɀinopiswa.
7Asi ʋakaɗarika suŋgano saAdama, ndipapo paʋakandinyeŋgera.
8Gireadi iguta raʋanoita ɀakaipa, rinamakwapa eropa.
9Seɀakaita makororo anoʋandira munhu, saiɀoɀo ɓoka raʋaprista rinoʋuraya panzira inoenda Shekemi; ɀirokwaɀo, ʋakaita ɀinonyadzisa.
10Paimba yaIsraeri ndakaʋona cinhu cinonyaŋgadza kwaɀo: Pakati paEfraimi panoʋufeʋe, Israeri ʋakaȿiɓiswa.
11Newe ʋo, Juda, wakagadzirirwa kukohwa, neŋguʋa yandinodzosa kutapxa kwaʋanhu ʋaŋgu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.