1Wakakomborerwa wakakaŋganwirwa kuɗarika kwake, wakafukidzirwa ɀiʋi ɀake.
2Wakakomborerwa munhu usiŋgaʋereŋgerwi ɀakaipa naJehova;
Usino‐kunyeŋgera pamŋeya wake.
3Paŋguʋa yandakaramba ndinyerere, mafupa aŋgu akasakara
Nokuʋuʋura kwaŋgu zuʋa rose.
4Nokuti ruʋoko rwenyu rwakaŋga rucirema pamsoro paŋgu masikati noʋusiku;
Ʋunyoro bgaŋgu bgakashandurwa ʋukaʋa kuwoma kwecirimo.
5Ndakakuziʋisai ciʋi caŋgu, handina‐kuʋanza cakaipa caŋgu;
Ndakati: Ndicaɀireʋurura kuɗarika kwaŋgu kunaJehova;
Imi mukandikaŋganwira kuipa kweciʋi caŋgu.
6Saka ʋose ʋanotya Mŋari ŋgaʋanyeŋgetere kwamuri paŋguʋa yamuŋgawanikwa;
Ɀirokwaɀo kana mvura zhinji icikukura, haiŋgaȿiki kwaari.
7Ndi’mi ciʋando caŋgu; mucandiceŋgeta ndirege kuwira pakutambudzika.
Mucandikomberedza nenziyo dzokurwirwa.
8Ndicakudzidzisa nokukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo;
Ndicakupa njere neziso raŋgu, riri pamsoro pako.
9Regai kuʋa sebiza, kana sehesera, ɀisiŋganzwisisi;
Ɀinofanira kufambiswa norwauro netomu pamakashu aɀo,
Haɀiŋgazoɗi kusweɗera kwauri.
10Wakaipa ucaʋa nenjodzi zhinji;
Asi unoʋimba naJehova ucakombga netsitsi.
11Farai munaJehova, mufarisise, imi makarurama;
Pururudzai nomufaro, imi mose makarurama pamŋoyo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.