Mapisarema 32 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mufaro womunhu wakakaŋganwirwa ɀiʋi ɀake.Pisarema raDavidi. Rwiyo rweMashiri.

1Wakakomborerwa wakakaŋganwirwa kuɗarika kwake, wakafukidzirwa ɀiʋi ɀake.

2Wakakomborerwa munhu usiŋgaʋereŋgerwi ɀakaipa naJehova;

Usino‐kunyeŋgera pamŋeya wake.

3Paŋguʋa yandakaramba ndinyerere, mafupa aŋgu akasakara

Nokuʋuʋura kwaŋgu zuʋa rose.

4Nokuti ruʋoko rwenyu rwakaŋga rucirema pamsoro paŋgu masikati noʋusiku;

Ʋunyoro bgaŋgu bgakashandurwa ʋukaʋa kuwoma kwecirimo.

5Ndakakuziʋisai ciʋi caŋgu, handina‐kuʋanza cakaipa caŋgu;

Ndakati: Ndicaɀireʋurura kuɗarika kwaŋgu kunaJehova;

Imi mukandikaŋganwira kuipa kweciʋi caŋgu.

6Saka ʋose ʋanotya Mŋari ŋgaʋanyeŋgetere kwamuri paŋguʋa yamuŋgawanikwa;

Ɀirokwaɀo kana mvura zhinji icikukura, haiŋgaȿiki kwaari.

7Ndi’mi ciʋando caŋgu; mucandiceŋgeta ndirege kuwira pakutambudzika.

Mucandikomberedza nenziyo dzokurwirwa.

8Ndicakudzidzisa nokukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo;

Ndicakupa njere neziso raŋgu, riri pamsoro pako.

9Regai kuʋa sebiza, kana sehesera, ɀisiŋganzwisisi;

Ɀinofanira kufambiswa norwauro netomu pamakashu aɀo,

Haɀiŋgazoɗi kusweɗera kwauri.

10Wakaipa ucaʋa nenjodzi zhinji;

Asi unoʋimba naJehova ucakombga netsitsi.

11Farai munaJehova, mufarisise, imi makarurama;

Pururudzai nomufaro, imi mose makarurama pamŋoyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help