Mapisarema 129 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Jehova ŋgaarumbidzwe nokuti wakarwira Israeri.Rwiyo rworwendo.

1Ʋakanditambudza kazhinji kubva paʋuɗuku bgaŋgu,

Israeri ŋgaaɗaro ɀino;

2Ʋakanditambudza kazhinji kubva paʋuɗuku bgaŋgu;

Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kundikunda.

3Ʋarimi ʋakarima pamusana waŋgu;

Ʋakaita mihoroŋga yaʋo mirefu.

4Jehova wakarurama;

Wakaguranya maɓote aʋakaipa.

5Ŋgaʋanyadziswe, ʋadzoserwe shure,

Iʋo ʋose ʋanoʋeŋga Zioni.

6Ŋgaʋaʋe soʋuswa pamateŋga eimba,

Ʋunowoma ʋusati bgakura;

7Muceki haazadzi ruʋoko rwake nabgo,

Ʋuye unosuŋga ɀisote, fuŋgatwa rake.

8Naʋanopfuʋura haʋaŋgati:

Jehova ŋgaakuropafadzei;

Tinokuropafadzai nezita raJehova.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help