1Munhu mumŋe nomumŋe ŋgaaɀiise pasi pamasimba makuru; nokuti hakunesimba risina‐kubʋa kunaMŋari; iwo ari’po akaiswa’po naMŋari.
2Saka unoramba simba, unodziʋisa ɀakaiswa’po naMŋari; ɀino iʋo ʋanodziʋisa, ʋanoɀitorera mhoȿa.
3Nokuti ʋaɓati haʋatyisi unoɓate‐ɓasa rakanaka, asi rakaipa. Unoɗa kusatya simba here? Ita ɀakanaka, ugorumbidzwa naro;
4nokuti ndiye mushumiri waMŋari kwauri, kuti akuitire ɀakanaka. Asi kana uciita ɀakaipa, citya; nokuti iye haaɓati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMŋari, mutsiʋi wokutsamŋa kunounoita ɀakaipa.
5Naiɀoɀo munofanira kuɀiisa pasi paʋo, musiŋgaɗaro nokuɗa kwokutsamŋa ɓedzi, asi nokuɗa kwehana ʋo.
6Nokuti nemhaka iyo munoripa ʋo mutero; nokuti ndiʋo ʋaranda ʋaMŋari, ʋanoramba ʋaciŋgoɓatira cinhu ico.
7Ripirai ʋose ɀaʋanofanira kuripirwa: Mutero kunaʋanofanira kutererwa; muripo kunaʋanofanira kuripirwa; kutya kunaʋanofanira kutyiwa; kukudza kunaʋanofanira kukudzwa.
Ruɗo runozadzisa murairo.8Musaʋa necikwerete nomunhu, asi cokuɗana; nokuti unoɗa mumŋe, wazadzisa murairo.
9Nokuti iɀo ɀokuti: Usaita ʋupombge, usaʋuraya, usaɓa, usaciʋa; kana murairo upi noupi, ɀakaʋuŋganidzwa pashoko rokuti: Uɗe wokwako seɀaunoɀiɗa iwe.
10Ruɗo haruitiri wokwako ɀakaipa; naiɀoɀo ruɗo runozadzisa murairo.
Tinofanira kurinda.11 Ɀikuru ndinoreʋa iɀoɀi, ɀatinoziʋa ŋguʋa, kuti ɀino yatoʋa ŋguʋa yokumuka kwenyu pahope; nokuti ɀino kuponeswa kweɗu kwaʋa pedyo kupfuʋura zuʋa ratakataŋga kutenda naro.
12Ʋusiku bgapfuʋura, kwoedza; naiɀoɀo ŋgatirashe maɓasa erima, ŋgatishoŋge nhumbi dzokurwa dzeciedza.
13Ŋgatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisiŋgafambi nokutamba kwakaipa, nokuɓatwa, kana noʋupombge, noʋutere, kana negakaʋa, negoɗo.
14Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musatȿaka kufadza nyama pakuciʋa kwayo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.