Jeremia 43 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ʋanhu ʋanoenda Egipita ʋacitora naJeremia ʋo.

1Ɀino Jeremia wakati apedza kuʋudza ʋanhu mashoko ose aJehova Mŋari waʋo, aakaŋga atumŋa nawo kwaʋari naJehova Mŋari waʋo, iwo mashoko awa ose,

2ipapo Azaria mŋanakomana waHoshaia, naJohanani mŋanakomana waKarea, naʋarume ʋose, ʋaiɀikudza, ʋakataura ʋaciti kunaJeremia: Unoreʋa nhema, Jehova Mŋari weɗu haana‐kukutuma kuzoti: Musaenda Egipita kundogara’po muri ʋatorwa;

3asi Baruki mŋanakomana waNeria ndiye unokumutsa pamsoro peɗu, kuti tiiswe mumaʋoko aʋaKardea, kuti ʋatiʋuraye nokutitapira Babironi.

4Naiɀoɀo Johanani mŋanakomana waKarea, naʋakuru ʋose ʋehondo, naʋanhu ʋose, haʋana‐kuterera inzwi raJehova, kuti ʋagare munyika yaJuda.

5Asi Johanani mŋanakomana waKarea, naʋakuru ʋose ʋehondo, ʋakatora ʋose ʋakasara ʋaJuda, ʋakaŋga ʋadzoka kumarudzi ose kwaʋakadziŋgirwa, ʋaciɗa kugara ʋari ʋatorwa munyika yaJuda,

6ʋaiti, ʋarume naʋakadzi naʋana naʋakunda ʋamambo nomunhu upi noupi wakaŋga asiyiwa naNebuzaradani mukuru waʋarindi kunaGedaria mŋanakomana waAhikami, mŋanakomana waShafani, pamŋe cete naJeremia muprofita, naBaruki mŋanakomana waNeria,

7ʋakandoȿika kunyika yeEgipita; nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; ʋakandoȿika Tapanesi.

8Ipapo shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia paTapanesi, riciti:

9Tora mabge makuru muruʋoko rwako, uaʋige muvu pakati peɀitina, paʋanopinda napo paimba yaFarao paTapanesi, ʋanhu ʋose ʋaJuda ʋaciɀiʋona;

10ugoti kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicatuma shoko kundotora Nebukadrezari mambo weBabironi, muranda waŋgu, ndiise cigaro cake coʋushe pamsoro pamabge awa andakaʋiga; ucawarira pamsoro pawo jira rake rinobginya.

11Ucaʋuya aciroʋa nyika yeEgipita; ʋakafanira rufu ʋacaiswa kurufu, ʋakafanira kutapxa ʋacaiswa kukutapxa, ʋakafanira munondo ʋacaiswa kumunondo.

12Ndicaɓatidza mŋoto mudzimba dzaʋamŋari ʋeEgipita; ucadzipisa nokuʋatapa; ucafuka nyika yeEgipita somufudzi unofuka ŋguʋo yake, ucabva’po norugare.

13Ucaputsa ʋo shoŋgwe dzeBeti‐shemeshi, riri munyika yeEgipita; dzimba dzaʋamŋari ʋeEgipita ucadzipisa nomŋoto.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help