1Cireʋo ceshoko raJehova pamsoro penyika yeHadraki, ʋuye paDamasko ndi’po paricagara; nokuti ziso raJehova rinotarira ʋanhu nendudzi dzose dzaIsraeri;
2ʋuye Hamati ʋo, rakaɓatana naʋo; ʋuye Tire neSidoni, nokuti ʋakacenjera kwaɀo.
3Tire rakaɀiʋakira nhare, rikaɀiʋuŋganidzira sirveri seguruʋa, nendarama yakaiȿo‐naka samatope ari munzira dzomumusha.
4Tarirai, Jehova ucarikunda, ucawisira simba raro muguŋgwa; ricapedzwa nomŋoto.
5Ashkeroni ricaɀiʋona, ndokutya; ʋuye Gaza ʋo, rikarwadziwa ɀikuru; ʋuye Ekroni, nokuti ricanyadziswa paneɀarakatarira; mambo ucaparara paEkroni, Ashkeroni hariŋgagarwi naʋanhu.
6Mŋanakomana woʋupombge ucagara paAshdodi, ʋuye ndicaparadza kuɀikudza kwaʋaFiristia.
7Ndicabvisa ropa rake mumuromo make, neɀinonyaŋgadza ɀake ɀiri pakati pameno ake; iye ʋo ucasarira Mŋari weɗu; ucaʋa somucinda paJuda, ʋuye Ekroni somuJebusi.
8Ndicakomberedza imba yaŋgu nemisasa ndidziʋirire hondo, kurege kuʋa nomunhu unopfuʋura napo kana kudzoka napo; hakuŋgazoʋi nomumanikidzi unofamba napo; nokuti ɀino ndaɀiʋona nameso aŋgu.
Mambo weZioni noʋushe bgake bgorugare.9Fara kwaɀo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusarema; tarira, mambo wako unoʋuya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unoɀininipisa, akataȿa mboŋgoro, iyo mhuru mŋana wemboŋgoro.
10Ndicaparadza ŋgoro pakati paEfraimi, namabiza paJerusarema; ʋuta bgokurwa ʋucaparadzwa; ucataurira ndudzi dzaʋanhu rugare; ʋushe bgake ʋucabva paguŋgwa kuȿikira paguŋgwa, nokubva kuRwizi kuȿikira kumigumo yenyika.
11Kana uri’we ʋo, nokuɗa kweropa resuŋgano yako, ndakasunuŋgura ʋasuŋgwa ʋako mugomba risinemvura.
12Dzokerai kunhare imi ʋasuŋgwa ʋanetariro; ikonhasi ndinokuʋudzai kuti ndicakupai migoʋe miʋiri.
13Nokuti ndakaɀikuŋgira Juda soʋuta, ndikaisa’mo Efraimi semiseʋe; ndicamutsa ʋanakomana ʋako, iwe Zioni, ʋarwe naʋanakomana ʋako, iwe Girisi; ndicakuita somunondo wemhare.
14Jehova ucaʋonekwa pamsoro paʋo, museʋe wake ucaɓuɗa semheni; Ishe Jehova ucaridza hwamanda, ucafamba neɀampupuri ɀinobva zasi.
15Jehova wehondo ucaʋadzitira; ʋacaparadza, ʋacatsika pasi mabge ecipfuramabge; ʋacanwa, ʋaciita ruzha saʋanhu ʋakaɓatwa newaini; ʋacazadzwa sembiya, samakona eartari.
16Jehova Mŋari waʋo ucaʋaponesa nezuʋa iro seɓoka raʋanhu ʋake; nokuti ʋacafanana namabge ekorona, anoʋaima kumsoro kwenyika yake.
17Nokuti kufara kwaʋo kucaʋa kukuru sei, nokunaka kwaʋo kucaʋa kukuru sei! Ɀiyo ɀicakurisa majaya, waini itȿa icakurisa mhandara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.