1Negore recipiri raJoashi mŋanakomana waJoahazi mambo waIsraeri, Amazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, akataŋga kuɓata ʋushe.
2Akataŋga kuɓata ʋushe anamakore makumi maʋiri namashanu; akaɓata ʋushe paJerusarema makore makumi maʋiri namapfumbamŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jehoadini weJerusarema.
3Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, asi haana‐kufanana naɓaɓa ʋake Davidi; akaita ɀose ɀakaita ɓaɓa ʋake Joashi.
4Asi matunhu akakwirira haana‐kubviswa, asi ʋanhu ʋakaramba ʋaciɓayira nokupisa ɀinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5Ɀino ʋushe bgakati ʋucaŋgosimbiswa naye, akaʋuraya ʋaranda ʋake ʋakaŋga ʋaʋuraya mambo ɓaɓa ʋake.
6Asi haana‐kuʋuraya ʋana ʋaʋaʋurayi, seɀaɀakanyorwa mubuku yomurairo waMosesi, seɀakaraira Jehova, aciti: Madziɓaɓa ŋgaarege kuʋurawa nokuɗa kwaʋana, kana ʋana ŋgaʋarege kuʋurawa nokuɗa kwamadziɓaɓa; asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaafire ɀiʋi ɀake.
7Akaʋuraya ʋaneɀuru ɀinegumi ɀaʋaEdomi pamupata womunyu, akakunda ʋo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Jokteeri, kuȿikira zuʋa ranhasi.
8Ɀino Amazia akatuma nhume kunaJehoashi mŋanakomana waJehoahazi mŋanakomana waJehu, mambo waIsraeri, akati: Ʋuya, tiʋonane.
9Jehoashi mambo waIsraeri akatuma shoko kunaAmazia mambo waJuda, akati: Rukato rwakaŋga ruri paRebanoni rwakatuma shoko kumusidari wakaŋga uri paRebanoni, rukati: Ipa mŋanakomana waŋgu mukunda wako, aʋe mukadzi wake; ɀino imŋe mhuka yakaŋga iri paRebanoni ikapfuʋura’po, ikatsika‐tsika rukato.
10Iwe wakunda ʋaEdomi, ɀino mŋoyo wako woɀikudza; ciɀikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotȿakireiko njodzi, uwire’mo, iwe naJuda pamŋe cete newe?
11Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naiɀoɀo Jehoashi mambo waIsraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJuda ʋakaʋonana paBeti‐shemeshi raiʋa raJuda.
12ƲaJuda ʋakakundwa naʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe akatizira kutente rake.
13Jehoashi mambo waIsraeri akasuŋga Amazia mambo waJuda, mŋanakomana waJehoashi, mŋanakomana waAhazia, paBeti‐shemeshi, akaȿika Jerusarema, akaputsa ruȿiŋgo rweJerusarema, kubva pasuʋo raEfraimi kuȿikira pasuʋo rapakona, makubiti anamazana manna.
14Akatora ndarama yose nesirveri, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehova, napafuma yomumba mamambo, naʋanhu kuzoʋa ruɓatso, akadzokera Samaria.
15Ɀino mamŋe maɓasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJuda, haɀina‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
16Jehoashi akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa paSamaria kunamadzimambo aIsraeri; Jeroboami akamuteʋera paʋushe.
Jeroboami wecipiri mambo waIsraeri.17Amazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda wakaramba ari mupenyu makore anegumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mŋanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.
18Ɀino mamŋe maɓasa aAmazia haana‐kunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aJuda?
19Ɀino ʋakaraŋgana kumuʋuraya paJerusarema, akatizira Rakishi; asi ʋakatuma ʋanhu Rakishi ʋacimuteʋera, ʋakamuʋurayira’po.
20Ʋakaʋuya naye pamabiza, akaʋigwa kunamadziɓaɓa ake muguta raDavidi.
21Ɀino ʋanhu ʋose ʋaJuda ʋakatora Azaria, wakaŋga anamakore anegumi namatanhatu, ʋakamuita mambo panɀimbo yaɓaɓa ʋake Amazia.
22Akaʋaka Erati, akaridzosera kunaJuda, mambo aʋata namadziɓaɓa ake.
23Negore regumi namashanu raAmazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, Jeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri, akataŋga kuɓata ʋushe paSamaria, akaʋuɓata makore anamakumi manna nerimŋe.
24Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo.
25Akakunda ɀe nyika yaIsraeri, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira paguŋgwa reAraba, seɀakarebga neshoko raJehova, Mŋari waIsraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mŋanakomana waAmitai, muprofita weGati‐heferi.
26Nokuti Jehova wakaʋona kutambudzika kwaIsraeri, kuti kwakaŋga kwakanyanya kwaɀo; nokuti kwakaŋga kusinaʋakuru naʋaɗuku, kwakaŋga kusinomuɓetseri waIsraeri.
27Asi Jehova haana‐kutaura kuti ucadzima zita raIsraeri pasi peɗeŋga, asi wakaʋaponesa noruʋoko rwaJeroboami mŋanakomana waJoashi.
28Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Damasko neHamati kunaIsraeri, aiʋa maguta aJuda, haɀinakunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
29Jeroboami akaʋata namadziɓaɓa ake, madzimambo aIsraeri; Zekaria mŋanakomana wake akamuteʋera paʋushe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.