1Shure kwaiɀoɀo Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakati kunaFarao: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, kuti ʋandiitire mutambo murenje.
2Farao akati: Jehova ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere ʋaIsraeri kuenda? Handimuziʋi iye Jehova, neni handiŋgatenderi ʋaIsraeri kuenda.
3Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo.
4Ipapo mambo weEgipita akati kwaʋari: Imi Mosesi naAroni, munotsausireiko ʋanhu pamaɓasa aʋo? Endai kumirimo yenyu.
5Farao akati: Tarirai, ʋanhu ʋenyika ino ʋatoʋa ʋazhinji, ɀino imi moɗa kuʋazorodza pamirimo yaʋo.
6Nomusi iwoyo Farao akaraira ʋarairi ʋamaɓasa aʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, akati:
7Musaramba mucipa ʋanhu ʋuswa bgokuita ɀitina nabgo, seɀamakaita kuȿikira ɀino; ŋgaʋaende ʋandoɀiʋuŋganidzira ʋuswa ʋamene.
8Asi ɀitina ɀaʋakaita kuȿikira ɀino, muʋatarire iɀoɀo; musaɀitapudza, nokuti haʋana‐caʋanoɓata, saka ʋanoɗana, ʋaciti: Titenderei tindoɓayira Mŋari weɗu.
9Ʋarume ŋgaʋawedzerwe ɓasa rinorema, ʋaremerwe naro; kuti ʋarege kuraŋgarira mashoko enhema.
10Ipapo ʋarairi ʋamabasa aʋanhu naʋatariri ʋaʋo ʋakaɓuɗa, ʋakataura naʋanhu, ʋakati: Ɀanzi naFarao: Handicakupiyi ʋuswa.
11Endai mumene mundoɀitorera ʋuswa pamuŋgaʋuwana, nokuti ɓasa renyu haritapudzwi.
12Ɀino ʋanhu ʋakapararira kunyika yose yeEgipita kuzoʋuŋganidza mashaŋga panɀimbo yoʋuswa.
13Ʋarairi ʋamaɓasa ʋakaʋakurudzira, ʋaciti: Pedzai ɓasa renyu, maɓasa amaifanira kuita mazuʋa ose mucinoʋuswa.
14Naʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaiswa pamsoro paʋo naʋarairi ʋaFarao, ʋaisirobga, ɀicinzi: Makaregerei kupedza ɓasa renyu razuro neranhasi muciita ɀitina seɀamakaita kuȿikira ɀino?
15Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋacicema kunaFarao, ʋaciti: Munoitireiko kuɗaro naʋaranda ʋenyu?
16Ʋaranda ʋenyu haʋapiwi ʋuswa, asi ʋanoti kwatiri: Itai ɀitina; tarirai ʋaranda ʋenyu ʋanorobga, asi mhaka iri kuʋanhu ʋenyu.
17Asi iye akati: Hamuna‐camunoɓata, hamuna‐camunoɓata, saka munoti: Titenderei kundoɓayira Jehova.
18Naiɀoɀo endai ɀino, muɓate, nokuti hamucapiwi ʋuswa, asi munofanira kupedza ɀitina ɀakatarwa.
19Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose.
20Ʋakasoŋgana naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋamire panzira pakuɓuɗa kwaʋo pamberi paFarao;
21ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo.
22Ipapo Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Ishe, maitireiko ʋanhu aʋa ɀakaipa? Manditumireiko?
23Nokuti kubva paŋguʋa yandakaenda nayo kunaFarao kundotaura nezita renyu, iye wakaitira ʋanhu aʋa ɀakaipa; hamuna‐kutoŋgorwira ʋanhu ʋenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.