Eksodo 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mosesi naAroni pamberi paFarao. ƲaIsraeri ʋanonyanya kunetswa.

1Shure kwaiɀoɀo Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakati kunaFarao: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda, kuti ʋandiitire mutambo murenje.

2Farao akati: Jehova ndiye aniko, kuti nditerere inzwi rake, kuti nditendere ʋaIsraeri kuenda? Handimuziʋi iye Jehova, neni handiŋgatenderi ʋaIsraeri kuenda.

3Ʋakati: Mŋari waʋaHeberu wakasoŋgana nesu; ɗotitenderai kuenda rwendo rwamazuʋa matatu murenje, tindoɓayira Jehova Mŋari weɗu; kuti arege kutiroʋa neɗenda kana nomunondo.

4Ipapo mambo weEgipita akati kwaʋari: Imi Mosesi naAroni, munotsausireiko ʋanhu pamaɓasa aʋo? Endai kumirimo yenyu.

5Farao akati: Tarirai, ʋanhu ʋenyika ino ʋatoʋa ʋazhinji, ɀino imi moɗa kuʋazorodza pamirimo yaʋo.

6Nomusi iwoyo Farao akaraira ʋarairi ʋamaɓasa aʋanhu, naʋatariri ʋaʋo, akati:

7Musaramba mucipa ʋanhu ʋuswa bgokuita ɀitina nabgo, seɀamakaita kuȿikira ɀino; ŋgaʋaende ʋandoɀiʋuŋganidzira ʋuswa ʋamene.

8Asi ɀitina ɀaʋakaita kuȿikira ɀino, muʋatarire iɀoɀo; musaɀitapudza, nokuti haʋana‐caʋanoɓata, saka ʋanoɗana, ʋaciti: Titenderei tindoɓayira Mŋari weɗu.

9Ʋarume ŋgaʋawedzerwe ɓasa rinorema, ʋaremerwe naro; kuti ʋarege kuraŋgarira mashoko enhema.

10Ipapo ʋarairi ʋamabasa aʋanhu naʋatariri ʋaʋo ʋakaɓuɗa, ʋakataura naʋanhu, ʋakati: Ɀanzi naFarao: Handicakupiyi ʋuswa.

11Endai mumene mundoɀitorera ʋuswa pamuŋgaʋuwana, nokuti ɓasa renyu haritapudzwi.

12Ɀino ʋanhu ʋakapararira kunyika yose yeEgipita kuzoʋuŋganidza mashaŋga panɀimbo yoʋuswa.

13Ʋarairi ʋamaɓasa ʋakaʋakurudzira, ʋaciti: Pedzai ɓasa renyu, maɓasa amaifanira kuita mazuʋa ose mucinoʋuswa.

14Naʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri, ʋakaŋga ʋaiswa pamsoro paʋo naʋarairi ʋaFarao, ʋaisirobga, ɀicinzi: Makaregerei kupedza ɓasa renyu razuro neranhasi muciita ɀitina seɀamakaita kuȿikira ɀino?

15Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋuya ʋacicema kunaFarao, ʋaciti: Munoitireiko kuɗaro naʋaranda ʋenyu?

16Ʋaranda ʋenyu haʋapiwi ʋuswa, asi ʋanoti kwatiri: Itai ɀitina; tarirai ʋaranda ʋenyu ʋanorobga, asi mhaka iri kuʋanhu ʋenyu.

17Asi iye akati: Hamuna‐camunoɓata, hamuna‐camunoɓata, saka munoti: Titenderei kundoɓayira Jehova.

18Naiɀoɀo endai ɀino, muɓate, nokuti hamucapiwi ʋuswa, asi munofanira kupedza ɀitina ɀakatarwa.

19Ɀino ʋatariri ʋaʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona kuti ʋari panjodzi, ɀaɀakanzi: Hamuŋgatapudzi paɀitina ɀenyu, ɀamunofanira kuita mazuʋa ose.

20Ʋakasoŋgana naMosesi naAroni, ʋakaŋga ʋamire panzira pakuɓuɗa kwaʋo pamberi paFarao;

21ʋakati kwaʋari: Jehova ŋgaakutarirei akutoŋgei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao naʋaranda ʋake, Mukaisa munondo muruʋoko rwaʋo wokutiʋuraya nawo.

22Ipapo Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Ishe, maitireiko ʋanhu aʋa ɀakaipa? Manditumireiko?

23Nokuti kubva paŋguʋa yandakaenda nayo kunaFarao kundotaura nezita renyu, iye wakaitira ʋanhu aʋa ɀakaipa; hamuna‐kutoŋgorwira ʋanhu ʋenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help