Mapisarema 45 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Rwiyo pamutambo waMambo Mukuru.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weShoshanimi; Pisarema raʋanakomana ʋaKora. Rwiyo rweMashiri. Rwiyo rworuɗo.

1Mŋoyo waŋgu unotutuma namashoko akanaka;

Ndinotaura ɀinhu ɀandakaita ɀinoreʋa mambo;

Rurimi rwaŋgu ipeni yomunyori unokurumidza kunyora.

2Imi makanaka‐naka kupfuʋura ʋana ʋaʋanhu;

Nyasha yakaɗururirwa pamiromo yenyu;

Saka Mŋari wakakuropafadzai nokusiŋgaperi.

3Suŋgai munondo wenyu paciʋuno cenyu, imi wamasimba,

Ʋukuru bgenyu noʋumambo bgenyu.

4Fambai noʋumambo bgenyu mucikunda,

Nokuɗa kweɀokwaɗi noʋunyoro nokururama;

Ruʋoko rwenyu rworudyi ŋgarukudzidzisei ɀinotyisa.

5Miseʋe yenyu inopinza;

Ʋanhu ʋanokundwa nemi;

Inoɓaya pamŋoyo yaʋaʋeŋgi ʋamambo.

6Cigaro cenyu coʋushe, imi Mŋari, ciri’po nokusiŋgaperi‐peri;

Tȿimbo yoʋushe bgenyu itȿimbo yakarurama.

7Makaɗa kururama, mukaʋeŋga kusarurama;

Naiɀoɀo Mŋari, Mŋari wenyu, wakakuzodzai

Namafuta okufara kupfuʋura shamŋari dzenyu.

8Ŋguʋo dzenyu dzose dzinonhuwira nemura nearosi nekasia;

Maɗimbga akakufadzai aciridzwa mudzimba dzamambo dzenyaŋga dzenzou.

9Ʋakunda ʋamadzimambo ʋari pakati paʋanhukadzi ʋenyu ʋanokudzwa;

Paruʋoko rwenyu rworudyi ʋahosi ʋamire ʋakashoŋga ndarama yeOfiri.

10Terera mukunda, raŋgarira, urereke nzeʋe yako;

Kaŋganwa ʋo ʋanhu ʋako, neimba yaɓaɓa ʋako;

11Ipapo mambo ucaɗa kunaka kwako;

Nokuti ndiye Ishe wako; unamate kwaari iwe.

12Ʋuye mukunda weTiro ucaʋa’po necipo;

Ʋafumi pakati paʋanhu ʋacakumbira ŋgoni dzako.

13Mukunda wamambo wakanaka kwaɀo‐kwaɀo mukati meimba yamambo;

Ŋguʋo dzake dzakarukwa nendarama.

14Ucaperekwa kunamambo neŋguʋo dzakarukwa dzinamaʋara;

Mhandara, shamŋari dzake dzinomuteʋera,

Ʋacaiswa kwamuri.

15Ʋacaperekwa nomufaro nokufarisisa;

Ʋacapinda mumba mamambo.

16Panɀimbo yamadziɓaɓa ako ʋana ʋako ʋacaʋa’po,

Ʋaucaita macinda panyika yose.

17Ndicayeʋudzira zita renyu kuȿikira kumarudzi ose;

Naiɀoɀo ndudzi dzaʋanhu dzicakuʋoŋgai nokusiŋgaperi‐peri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help