1Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha.
2Akati: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha. Ɀino Jehova akati kwandiri: Kuguma kwaȿikira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe.
3Nziyo dzetembere dzicashanduka kuwuŋgudza nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; ɀitunha ɀicaʋa’po ɀizhinji, ʋacaɀikandira kunze kwose ʋanyerere.
4Inzwai cinhu ici, iyemi, munoɗa kumedza ʋanoshaiwa, nokuparadza ʋarombo ʋenyika,
5muciti: Kugara kwomŋedzi kucapfuʋura riniko, kuti titeŋgese ɀiyo? ʋuye saɓata, kuti tizarure matura eɀiyo? ticitapudza efa, nokukurisa shekeri, ticinyeŋgera neɀiyero ɀinonyeŋgera;
6kuti titeŋge ʋarombo nesirveri, naʋanoshaiwa ticipiwa shaŋgu mbiri, ticiteŋgesa makoto eɀiyo?
7Jehova wakapika noʋukuru bgaJakobo, aciti: Ɀirokwaɀo, handiŋgatoŋgokaŋganwi rimŋe ramaɓasa aʋo nokusiŋgaperi.
8Ko nyika haiŋgaɗeɗeri pamsoro pecinhu ici, mumŋe nomumŋe ugere’po haaŋgacemi here? Ɀirokwaɀo, icakwira yose soRwizi, icatutuma ndokuɗerera ɀe, soRwizi rweEgipita.
9Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaʋirisa zuʋa masikati makuru, ndicaisa rima panyika aciri masikati.
10Ndicashandura mitambo yenyu kuʋe kucema, nenziyo dzenyu dzose kuʋe kurira kwokucema; ndicafukidza ɀiʋuno ɀose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndicaɀiita sapanocemŋa mŋanakomana wakaɀarwa ari mumŋe cete, nokuguma kwaɀo sezuʋa rakaipa kwaɀo.
11Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — andicatuma nzara panyika, isati iri nzara yeɀokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehova.
12Ʋacadzuŋgaira ʋacibva kuguŋgwa ʋacienda kuguŋgwa, ʋacibva kumsoro ʋacienda mabvazuʋa; ʋacamhanya pose‐pose ʋacitȿaka shoko raJehova, asi haʋaŋgariwani.
13Nezuʋa iro mhandara dzakanaka namajaya ʋacaziya nenyota.
14Ʋanopika neɀiʋi ɀeSamaria, ʋaciti: Namŋari wako mupenyu, iwe Dani; ʋuye, Nenzira yeBeeri‐sheba mhenyu, iʋo ʋacawira pasi, ʋakasazomuka ɀe.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.