Amosi 8 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Amosi unoratidzwa tswanda ineɀiɓereko.

1Heɀi ɀandakaratidzwa naShe Jehova: Tarirai, tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha.

2Akati: Amosi, unoʋoneiko? Ini ndikati: Tswanda ineɀiɓereko ɀezhezha. Ɀino Jehova akati kwandiri: Kuguma kwaȿikira ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, handicatoŋgoʋaɗariki ɀe.

3Nziyo dzetembere dzicashanduka kuwuŋgudza nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; ɀitunha ɀicaʋa’po ɀizhinji, ʋacaɀikandira kunze kwose ʋanyerere.

4Inzwai cinhu ici, iyemi, munoɗa kumedza ʋanoshaiwa, nokuparadza ʋarombo ʋenyika,

5muciti: Kugara kwomŋedzi kucapfuʋura riniko, kuti titeŋgese ɀiyo? ʋuye saɓata, kuti tizarure matura eɀiyo? ticitapudza efa, nokukurisa shekeri, ticinyeŋgera neɀiyero ɀinonyeŋgera;

6kuti titeŋge ʋarombo nesirveri, naʋanoshaiwa ticipiwa shaŋgu mbiri, ticiteŋgesa makoto eɀiyo?

7Jehova wakapika noʋukuru bgaJakobo, aciti: Ɀirokwaɀo, handiŋgatoŋgokaŋganwi rimŋe ramaɓasa aʋo nokusiŋgaperi.

8Ko nyika haiŋgaɗeɗeri pamsoro pecinhu ici, mumŋe nomumŋe ugere’po haaŋgacemi here? Ɀirokwaɀo, icakwira yose soRwizi, icatutuma ndokuɗerera ɀe, soRwizi rweEgipita.

9Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaʋirisa zuʋa masikati makuru, ndicaisa rima panyika aciri masikati.

10Ndicashandura mitambo yenyu kuʋe kucema, nenziyo dzenyu dzose kuʋe kurira kwokucema; ndicafukidza ɀiʋuno ɀose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndicaɀiita sapanocemŋa mŋanakomana wakaɀarwa ari mumŋe cete, nokuguma kwaɀo sezuʋa rakaipa kwaɀo.

11Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — andicatuma nzara panyika, isati iri nzara yeɀokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehova.

12Ʋacadzuŋgaira ʋacibva kuguŋgwa ʋacienda kuguŋgwa, ʋacibva kumsoro ʋacienda mabvazuʋa; ʋacamhanya pose‐pose ʋacitȿaka shoko raJehova, asi haʋaŋgariwani.

13Nezuʋa iro mhandara dzakanaka namajaya ʋacaziya nenyota.

14Ʋanopika neɀiʋi ɀeSamaria, ʋaciti: Namŋari wako mupenyu, iwe Dani; ʋuye, Nenzira yeBeeri‐sheba mhenyu, iʋo ʋacawira pasi, ʋakasazomuka ɀe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help