1Ɀino kwakaŋga kunomurume panyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Mika.
2Iye akati kunamai ʋake: Mashekeri aya esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe amakaɓirwa, mukatuka muɓi waɀo, mukataura ʋo iɀoɀo ini ndiciɀinzwa, tarirai sirveri iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai ʋake ʋakati: Mŋanakomana waŋgu ŋgaaropafadzwe naJehova!
3Akadzosera mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe kunamai ʋake; mai ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, sirveri iyi ndinoitsaurira Jehova, kuti mŋanakomana waŋgu aite nayo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; naiɀoɀo ɀino ndicakudzosera iyo.
4Ɀino wakati adzosera mari iyo kunamai ʋake, mai ʋake ʋakatora mashekeri esirveri anamazana maʋiri, akaapa muʋumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; ɀikagara mumba maMika.
5Ɀino murume uyu Mika wakaŋga aneimba yaʋamŋari, akaita efodi neterafimi, akagadza mumŋe waʋanakomana ʋake kuti aʋe muprista wake.
6Pamazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paʋaIsraeri; munhu mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka.
7Ɀino kwakaŋga kunejaya raibva Beti‐rehemi‐juda, weimba yaJuda, waiʋa muRevi, wakaŋga agere’po.
8Murume uyu akabva paguta, paBeti‐rehemi‐juda, kundoɀitȿakira nɀimbo yokugara; pakufamba kwake akaȿika panyika yamakomo yaEfraimi paimba yaMika.
9Mika akati kwaari: Wabvepiko? Iye akati kwaari: Ndiri muRevi weBeti‐rehemi‐juda, ndinotȿaka kwandiŋgagara.
10Mika akati kwaari: Gara neni, uʋe ɓaɓa ʋaŋgu nomuprista waŋgu, ndikupe mashekeri esirveri anegumi pagore neŋguʋo dzokupfeka neɀokudya ɀako. Ipapo muRevi akapinda.
11MuRevi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikaʋa somumŋe waʋanakomana ʋake.
12Mika akagadza muRevi, jaya iro rikaʋa muprista wake, akagara mumba maMika.
13Ɀino Mika akati: Ndinoziʋa ɀino kuti Jehova ucandiitira ɀakanaka, ɀandaʋa nomuprista waŋgu uri muRevi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.