Ʋatoŋgi 17 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mika neɀifananidzo ɀake.

1Ɀino kwakaŋga kunomurume panyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Mika.

2Iye akati kunamai ʋake: Mashekeri aya esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe amakaɓirwa, mukatuka muɓi waɀo, mukataura ʋo iɀoɀo ini ndiciɀinzwa, tarirai sirveri iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai ʋake ʋakati: Mŋanakomana waŋgu ŋgaaropafadzwe naJehova!

3Akadzosera mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe kunamai ʋake; mai ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, sirveri iyi ndinoitsaurira Jehova, kuti mŋanakomana waŋgu aite nayo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; naiɀoɀo ɀino ndicakudzosera iyo.

4Ɀino wakati adzosera mari iyo kunamai ʋake, mai ʋake ʋakatora mashekeri esirveri anamazana maʋiri, akaapa muʋumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; ɀikagara mumba maMika.

5Ɀino murume uyu Mika wakaŋga aneimba yaʋamŋari, akaita efodi neterafimi, akagadza mumŋe waʋanakomana ʋake kuti aʋe muprista wake.

6Pamazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paʋaIsraeri; munhu mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka.

7Ɀino kwakaŋga kunejaya raibva Beti‐rehemi‐juda, weimba yaJuda, waiʋa muRevi, wakaŋga agere’po.

8Murume uyu akabva paguta, paBeti‐rehemi‐juda, kundoɀitȿakira nɀimbo yokugara; pakufamba kwake akaȿika panyika yamakomo yaEfraimi paimba yaMika.

9Mika akati kwaari: Wabvepiko? Iye akati kwaari: Ndiri muRevi weBeti‐rehemi‐juda, ndinotȿaka kwandiŋgagara.

10Mika akati kwaari: Gara neni, uʋe ɓaɓa ʋaŋgu nomuprista waŋgu, ndikupe mashekeri esirveri anegumi pagore neŋguʋo dzokupfeka neɀokudya ɀako. Ipapo muRevi akapinda.

11MuRevi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikaʋa somumŋe waʋanakomana ʋake.

12Mika akagadza muRevi, jaya iro rikaʋa muprista wake, akagara mumba maMika.

13Ɀino Mika akati: Ndinoziʋa ɀino kuti Jehova ucandiitira ɀakanaka, ɀandaʋa nomuprista waŋgu uri muRevi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help