1Ɀino Jehova wakataura naJoshua, akati:
2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Muɀitsaurire maguta oʋutiziro, andakakuʋudzai nomuromo waMosesi;
3kuti munhu wakaʋuraya mumŋe nokusaziʋa kana asina‐kuita nobgoni, atizire’po; acaʋa kwamuri ʋutiziro pamutsiʋi weropa.
4Unofanira kutizira kunerimŋe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuʋo reguta, agoreʋa mhoȿa yake panzeʋe dzaʋakuru ʋeguta iro; ipapo ʋanofanira kumugamucira pakati paʋo muguta, ʋamupe pokugara, agogara pakati paʋo.
5Ɀino kana mutsiʋi weropa aciŋge amuteʋera, haʋafaniri kuisa muʋurayi paruʋoko rwake, nokuti wakaʋuraya wokwake asiŋgaiti nobgoni, asina‐kumuʋeŋga kare.
6Ɀino iye unofanira kugara muguta iro, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano atoŋgwe, kuȿikira pakufa kwomuprista mukuru ucaʋa’po namazuʋa iwayo; ipapo muʋurayi unofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakaŋga atiza.
7Ipapo ʋakatsaura Kedeshi muGarirea panyika yamakomo yaNaftari, neShekemi, panyika yamakomo yaEfraimi, neKiriati‐arba (ndiro Hebroni) panyika yamakomo yaJuda.
8Nemhiri kwaJoridani paJeriko kumabvazuʋa ʋakatsaura Bezeri murenje paɓani kurudzi rwaRubeni, neRamoti muGireadi kurudzi rwaGadi, neGorani muBashani kurudzi rwaManase.
9Ndiwo maguta akatsaurirwa ʋana ʋaIsraeri ʋose, naʋatorwa ʋaigara pakati paʋo, kuti aninani unoʋuraya munhu nokusaziʋa atizire’ko, arege kufa noruʋoko rwomutsiʋi weropa, kuȿikira amira pamberi peʋuŋgano.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.