1Ɀino negore regumi namaʋiri raAhazi mambo waJuda, Hoshea mŋanakomana waEra wakataŋga kuɓata ʋushe bgaIsraeri paSamaria, akabguɓata makore mapfumbamŋe.
2Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; asi haana‐kufanana namadzimambo aIsraeri akamutaŋgira.
3Ɀino Sharmaneseri mambo weAsiria akaȿika kuzorwa naye, Hoshea akaʋa muranda wake, akamuterera mutero.
4Asi mambo weAsiria wakati aciʋona kuti Hoshea woraŋgana naʋamŋe kumumukira, nokuti wakaŋga atuma nhume kunaSo mambo weEgipita, akarega kuterera mambo weAsiria mutero seɀaaiita gore rimŋe nerimŋe, mambo weAsiria akamupfigira mutoroŋgo akamusuŋga.
5Ipapo mambo weAsiria akafamba nenyika yose, akaenda Samaria, akarikomba makore matatu.
6Negore repfumbamŋe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria, akatapa ʋaIsraeri, akaenda naʋo Asiria, akaʋaisa paHara, napaHabori, parwizi Gozani, napamaguta aʋaMedi.
7Iɀoɀo ɀakaitwa, nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakatadzira Jehova Mŋari waʋo, iye wakaŋga aʋaɓuɗisa panyika yeEgipita kwaʋakaŋga ʋakaɓatwa naFarao mambo weEgipita, ʋakatya ʋamŋe ʋamŋari,
8ʋakafamba nemitemo yendudzi dzakaŋga dzadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri, neyamadzimambo aIsraeri yaʋakatema iʋo.
9Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita pakaʋanda ɀisina‐kururama pamberi paJehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiʋakira matunhu akakwirira mumaguta aʋo ose, kubva pacirindo caʋarindi kuȿikira pamaguta akakombga.
10Ʋakaɀimutsira shoŋgwe namatanda okunamata nawo pamatunhu ose akakwirira, napasi pemiti yose mitema.
11Ʋakapisira’po ɀinonhuwira pamatunhu ose akakwirira, seɀaiita ndudzi dzakaŋga dzabviswa pamberi paʋo naJehova; ʋakaita ɀakashata ɀakatsamŋisa Jehova;
12ʋakashumira ɀifananidzo, ɀaʋakaŋga ʋanzi naJehova: Regai kuita cinhu ici.
13Kunyaŋge ɀakaɗaro Jehova wakapupurira Israeri naJuda nemiromo yaʋaprofita ʋose naʋaʋoni ʋose, akati: Dzokai panzira dzenyu dzakaipa, muceŋgete mirairo yaŋgu neɀandakatema, seɀakarebga nomurairo waŋgu wose wandakaraira madziɓaɓa enyu, wandakatuma nemiromo yaʋaprofita ʋaranda ʋaŋgu.
14Kunyaŋge ɀakaɗaro, ʋakaramba kuterera, ʋakawomesa mitsipa yaʋo, semitsipa yamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋasiŋgatendi Jehova Mŋari waʋo.
15Ʋakaramba mitemo yake nesuŋgano yake yaakaita namadziɓaɓa aʋo, neɀipupuriro ɀake ɀaakaʋapupurira, ʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋakaʋa ʋasinamaturo, ʋakateʋera ndudzi dzakaʋapoteredza, iʋo ʋaʋakaŋga ʋarairwa naJehova kuti ʋarege kuita saiʋo.
16Ʋakasiya mirairo yose yaJehova Mŋari waʋo, ʋakaɀiitira ɀifananidzo ɀakaʋumbga, ɀemhuru mbiri; ʋakaita ʋo matanda okunamata nawo, ʋakanamata hondo yose yokuɗeŋga, ʋakashumira Baari.
17Ʋakapinza ʋanakomana naʋakunda ʋaʋo mumŋoto, ʋakaʋuka nokuita ʋuroyi bgaʋo, ʋakaɀiteŋgesa kuti ʋaite ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakamutsamŋisa.
18Naiɀoɀo Jehova wakatsamŋira ʋaIsraeri kwaɀo, akaʋabvisa paciso cake; hakuna‐ʋakasiyiwa, asi rudzi rwaJuda ɓedzi.
19Kunyaŋge naʋaJuda ʋo haʋana‐kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari waʋo, asi ʋakafamba nemitoʋo yaʋaIsraeri, yaʋakatema.
20Jehova akarasha ʋana ʋaIsraeri ʋose, akaʋatambudza, akaʋapa mumaʋoko aʋaparadzi, kuȿikira aʋarashira kure neciso cake.
21Nokuti wakabvarura ʋaIsraeri paimba yaDavidi; ʋakaita Jeroboami mŋanakomana waNebati, mambo waʋo, Jeroboami akatsausa ʋaIsraeri, ʋakarega kuteʋera Jehova, akaʋatadzisa neciʋi cikuru.
22Ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami, ɀaakaita; haʋana‐kutsauka kwaɀiri;
23kuȿikira Jehova abvisa Israeri kure neciso cake, seɀaakataura nemiromo yaʋaprofita, ʋaranda ʋake ʋose. Naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakatapxa panyika yaʋo, ʋakaiswa Asiria kuȿikira nhasi.
Nyika yaʋaIsraeri inogarwa naʋahedeni.24Ɀino mambo weAsiria wakatora ʋanhu paBabironi, napaKuta, napaAva, napaHamati, napaSefarvaimi, akaʋaisa mumaguta eSamaria panɀimbo yaʋana ʋaIsraeri; Samaria rikaʋa raʋo, ʋakagara mumaguta aro.
25Ɀino pakutaŋga kwokugara’po kwaʋo haʋana‐kutya Jehova, Jehova akatuma shumba pakati paʋo, dzikaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo.
26Naiɀoɀo ʋakaʋudza mambo weAsiria, ʋakati: Ndudzi dzaʋanhu dzamakatapa, mukaʋaisa mumaguta eSamaria, hadziziʋi tsika dzaMŋari wenyika iyo; naiɀoɀo wakatuma shumba pakati paʋo, dzinoʋaʋuraya, nokuti haʋaziʋi tsika dzaMŋari wenyika iyo.
27Ipapo mambo weAsiria akaraira, akati: Isai’ko mumŋe waʋaprista ʋamakatapa’po; ŋgaʋaende kundogara’ko, aʋadzidzise tsika dzaMŋari wenyika iyo.
28Naiɀoɀo mumŋe waʋaprista ʋaʋakatapa paSamaria, wakandogara paBeti‐eri, akaʋadzidzisa seɀaʋaifanira kutya Jehova.
29Kunyaŋge ɀakaɗaro rudzi rumŋe norumŋe rwakaɀiitira ʋamŋari ʋarwo, ʋakaʋaisa mudzimba dzamatunhu akakwirira, dzakaʋakwa naʋaSamaria, rudzi rumŋe norumŋe pamaguta arwo, kwaʋaigara.
30Ʋanhu ʋeBabironi ʋakaʋaka Sukoti‐benoti, ʋanhu ʋeKuti ʋakaʋaka Nergari, ʋanhu ʋeHamati ʋakaʋaka Ashima,
31ʋaAvi ʋakaʋaka Nibhazi neTartaki, ʋaSefarvaimi ʋakapisa ʋana ʋaʋo mumŋoto kunaAdramereki naAnamereki, ʋamŋari ʋeSefarvaimi.
32Naiɀoɀo ʋakatya Jehova, ʋakaɀitsaurira pakati paʋo ʋaprista ʋamatunhu akakwirira, ʋaiʋaɓayirira mudzimba dzamatunhu akakwirira.
33Ʋakatya Jehova, ʋakashumira ʋamŋari ʋaʋo, ʋaciteʋera tsika dzendudzi kwaʋakaŋga ʋatapxa’ko.
34Kuȿikira zuʋa ranhasi ʋanoteʋera tsika dzakare; haʋatyi Jehova, kana kuita seɀaʋanorairwa nemitemo yaʋo, kana ɀireʋo ɀaʋo, kana murairo waʋo, kana mirau yaʋo, yakaŋga yarairwa ʋana ʋaJakobo naJehova, iye waakatumidza zita rinonzi Israeri;
35Jehova akaita suŋgano naʋo, akaʋaraira, akati: Regai kutya ʋamŋe ʋamŋari, kana kuʋafugamira, kana kuʋashumira, kana kuʋaɓayira;
36asi Jehova, wakakuɓuɗisai paEgipita nesimba guru, noruʋoko rwakatambanudzwa, ndiye wamunofanira kutya, ndiye wamunofanira kufugamira, ndiye wamunofanira kuɓayira.
37Mitemo, neɀireʋo, nomurairo, nomurau, ɀaakakunyorerai, munofanira kuɀiceŋgeta nokusiŋgaperi; hamufaniri kutya ʋamŋe ʋamŋari;
38ʋuye hamufaniri kukaŋganwa suŋgano yandakaita nemi; ʋuye hamufaniri kutya ʋamŋe ʋamŋari;
39asi munofanira kutya Jehova Mŋari wenyu; iye ucakusunuŋgurai pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose.
40Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera, asi ʋakateʋera tsika dzakare.
41Naiɀoɀo ndudzi idzi dzakatya Jehova, dzikashumira ʋo ɀifananidzo ɀadzo ɀakaʋezwa; naʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo, ʋanoita saiɀoɀo kuȿikira nhasi, seɀakaita madziɓaɓa aʋo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.