Jobo 35 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mŋari haanzwi kucema kwaʋanhu nokuɗa kwokusatenda kwaʋo.

1Ɀino Erihu wakapindura, ʋo, akati:

2Munoti ndiko kururama kwenyu here,

Munoti: Kururama kwaŋgu kunopfuʋura kwaMŋari?

3Ɀamunoti: Mucaɓatsirweiko naɀo?

Ndicawaneiko, ɀiŋgapfuʋura ɀandiŋgawana kana ndatadza haŋgu?

4Ndicakupindurai,

Pamŋe cete neshamŋari dzenyu.

5Tarirai kuɗeŋga‐ɗeŋga, muʋone;

Tarirai makore okuɗeŋga akakwirira kupfuʋura imi.

6Kana muciŋge matadza, ko muŋgamuitei iye?

Kana kuɗarika kwenyu kuciŋge kwawanda, ko muŋgamuitei?

7Kana makarurama, muŋgamupeiko?

Kana iye ucapiweiko paruʋoko rwenyu?

8Kuipa kwenyu kuŋgatadzira munhu wakaita semi,

Kururama kwenyu kuŋgaɓatsira mŋanakomana womunhu.

9Ʋanhu ʋanoridza mhere nokuɗa kwokumanikidza kwakawanda;

Ʋanoridza mhere kuti ʋarwirwe paruʋoko rwounesimba.

10Asi hapana‐unoti: Mŋari Muiti waŋgu uripiko?

Iye unotiimbisa ʋusiku;

11Iye unotidzidzisa kupfuʋura mhuka dzenyika,

Unotiita ʋakaceŋjera kupfuʋura shiri dzokuɗeŋga?

12Ipapo ʋanocema, asi hapanaunopindura,

Nokuɗa kwokuɀikudza kwaʋanhu ʋakaipa.

13Ɀirokwaɀo Mŋari haaŋganzwi ɀisinamaturo,

Wamasimba‐ose haaŋgaʋi nehanya naɀo.

14Ndoɗa kana muciti, handimuʋoni;

Mhoȿa iri pamberi pake, cimumirirai henyu!

15Asi ɀino, ɀaasina‐kutsiʋa pakutsamŋa kwake,

Kana kusaʋa nehanya ɀikuru nokuɀikudza;

16Naiɀoɀo Jobo woshamisa muromo wake acireʋa ɀisinamaturo;

Wowanza mashoko asiŋgaziʋi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help