Mapisarema 136 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Ŋgoni dzaJehova dzinogara nokusiŋgaperi.

1Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

2Ʋoŋgai Mŋari waʋamŋari;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

3Ʋoŋgai Ishe wamadzishe;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

4Iye oga, unoita ɀishamiso ɀikuru;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

5Iye, wakaita kuɗeŋga‐ɗeŋga nenjere dzake;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

6Iye wakatatanura pasi pamsoro pemvura zhinji;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

7Iye wakaita ɀiedza ɀikuru;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

8Zuʋa, kuti riɓate ʋushe masikati;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

9Mŋedzi nenyeredzi, kuti ɀiɓate ʋushe ʋusiku;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

10Iye, wakaroʋa ʋeEgipita pamataŋgwe aʋo;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

11Akaɓuɗisa Israeri pakati paʋo;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

12Necanza cinesimba, ʋuye noruʋoko rwakatambanudzwa;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

13Iye wakaparadzanisa Guŋgwa Dɀuku napakati;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

14Akayambusa Israeri nomukati maro;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

15Akawisira Farao nehondo yake muGuŋgwa Dɀuku;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

16Iye, wakaperekedza ʋanhu ʋake murenje;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

17Iye, wakaparadza madzimambo makuru;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

18Akaʋuraya madzimambo akakurumbira;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

19Sihoni mambo waʋaAmori;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

20NaOgi mambo weBashani;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

21Akapa nyika yaʋo iʋe nhaka;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

22Iʋe nhaka yaIsraeri muranda wake;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

23Iye, wakatiraŋgarira paʋurombo bgeɗu;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi;

24Akatirwira paʋadziʋisi ʋeɗu;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

25Ndiye unopa ɀinhu ɀose ɀokudya ɀaɀo;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

26Ʋoŋgai Mŋari wokuɗeŋga;

Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help