Mapisarema 29 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Inzwi raJehova.

1Ipai Jehova, imi ʋanakomana ʋaMŋari,

Ipai Jehova kudzo nesimba.

2Ipai Jehova kudzo yakafanirwa nezita rake;

Namatai kunaJehova neŋguʋo tȿene.

3Inzwi raJehova riri pamsoro pemvura zhinji;

Mŋari wokubginya unotinhira,

Iye Jehova uri pamsoro pemvura zhinji‐zhinji:

4Inzwi raJehova rinesimba;

Inzwi raJehova rizere noʋumambo.

5Inzwi raJehova rinovuna misidari;

Ɀirokwaɀo, Jehova unovunanya misidari yeRebanoni.

6Unoipemberesa semhuru;

Iro Rebanoni neSirioni semhuru yenyati.

7Inzwi raJehova rinopamura miraɀo yomŋoto.

8Inzwi raJehova rinoɗeɗeresa renje;

Jehova unoɗeɗeresa renje reKadeshi.

9Inzwi raJehova rinoɓerekesa nondo,

Rinoȿuʋura miti yamatondo;

Nomutembere yake ɀose ɀinoti: Kubginya.

10Jehova wakagara pacigaro coʋushe paɓoporodzi remvura;

Ɀirokwaɀo, Jehova unogara ari mambo nokusiŋgaperi.

11Jehova ucapa ʋanhu ʋake simba;

Jehova ucaropafadza ʋanhu ʋake norugare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help