Muparidzi 5 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Nzira dzinoʋuyisa mufaro.

1Ŋgwarira rutsoka rwako kana ucienda kuimba yaMŋari; nokuti kusweɗera kuzonzwa kunopfuʋura kuɓayira ciɓayiro camapenzi; nokuti haʋaziʋi kuti ʋanoita ɀakaipa.

2Usakurumidza nomuromo wako, mŋoyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMŋari; nokuti Mŋari uri kuɗeŋga, iwe uri pasi; naiɀoɀo mashoko ako ŋgaaʋe mashoma.

3Nokuti kurota kunoʋuya namaɓasa mazhinji, nenzwi reɓenzi namashoko mazhinji.

4Kana uciŋge wapikira Mŋari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa ɀaunopika.

5Ɀirinani kuti urege kupika, pakuti upike usiŋgaripi.

6Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumŋa waMŋari: Yakaŋga iri mhosho; Mŋari ucatsamŋireiko inzwi rako, akaparadza ɓasa ramaʋoko ako?

7Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji paneɀisinamaturo ɀizhinji; asi iwe utye Mŋari.

8Kana uciʋona murombo acimanikidzwa, nokururamisa nokururama ɀicibviswa nesimba panyika, usashamiswa naɀo; nokuti mukuru kuʋakuru ʋose unocerekedza; ʋamŋe ʋari’ko ʋakuru kwaʋari.

9Nokuti nyika inoɓatsirwa ɀikuru necinhu ici, mambo unofarira kurimiwa kweminda.

10Unoɗa sirveri, haaŋgagutswi nesirveri, naiye unoɗa ɀakawanda, haaŋgagutswi neɀakawanda; naiɀoɀo haɀinamaturo.

11Kana fuma iciwanda, ʋadyi ʋanowanda ʋo; mŋene wayo unoɓatsirwei, asi kuŋgoʋona nameso ake.

12Hope dzomunhu, unoɓata, dzakanaka, kana acidya ɀishoma kana ɀizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuʋata.

13Kunecinhu cakaiȿo‐ipa, candakaʋona pasi pezuʋa, fuma inoceŋgetwa nomŋene wayo, icimuʋonesa nhamo.

14Fuma iyo inopera necinhu cakaipa cinomuwira; kana aciŋge aɓereka mŋanakomana, haanecinhu muruʋoko rwake.

15Seɀaakaɓuɗa muɗumbu ramai ʋake, ucadzoka ɀe asinecinhu, seɀaakaɓuɗa; haana‐caakatamburira, caaŋgatora, caaŋgaenda naco muruʋoko rwake.

16Necinhu ici cakaiȿo‐ipa ʋo, kuti paɀose, seɀaakaʋuya, saiɀoɀo ucaenda ɀe; ɀino ucawaneiko, ɀaakatamburira mhepo?

17Mazuʋa ake ose ʋo unodya murima, unotambudzika kwaɀo; unoʋurwere neshuŋgu.

18Tarirai, ɀandakaʋona kuti ɀakanaka, ɀinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire ɀinhu ɀakanaka pakuɓata kwake kwose kwaanoɓata pasi pezuʋa, mazuʋa ose oʋupenyu bgake bgaakapiwa naMŋari; nokuti ndiwo mugoʋe wake.

19Munhu mumŋe nomumŋe ʋo, wakapiwa naMŋari fuma neɀakawanda, akapiwa ʋo simba kuti aɀidye, nokutora mugoʋe wake, nokufarira ɀaakaɓatira — ico cipo cinobva kunaMŋari.

20Nokuti iye haaŋgaraŋgariri ɀikuru mazuʋa oʋupenyu bgake, nokuti Mŋari unopindura pamufaro womŋoyo wake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help