1Nheyo dzake dziri pamakomo matȿene.
2Jehova unoɗa masuʋo eZioni
Kupfuʋura pose panogara Jakobo.
3Ɀinhu ɀakanakisa ɀinotaurwa pamsoro pako,
Iwe guta raMŋari.
4Rahabi neBabironi ndicati ʋari pakati paʋanondiziʋa;
Tarirai, Firistia, neTire, neEtiopia;
Munhu uyu wakaɀarirwa’ko.
5Ɀirokwaɀo, pamsoro peZioni ʋacati: Uyu noyoyo ʋakaɀarirwa’mo;
Naiye Wokumsoro‐soro amene ucarisimbisa.
6Jehova ucaʋereŋga, pakunyora kwake ndudzi, aciti:
Munhu uyu wakaɀarirwa’ko.
7Ʋanoimba naʋanotamba, ʋacati:
Matsime aŋgu ose ari mauri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.