Ɀireʋo 9 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

1Ʋucenjeri bgakaʋaka imba yabgo;

Bgakaʋeza mbiru dzabgo nomŋe;

2Bgakaɓaya ɀipfuwo ɀabgo;

Bgakaveŋganisa waini yabgo;

Bgakagadzira ʋo tafura yabgo.

3Bgakatuma ʋarandakadzi ʋabgo;

Ʋunoɗanidzira pamitunhu yeguta, ʋuciti:

4Usinamano ŋgaatsaukire muno;

Usinenjere ʋunoti kwaari:

5Ʋuyai mudye ciŋgwa caŋgu,

Munwe waini yandakaveŋganisa.

6Regai kusaȿinuka, murarame;

Mufambe nenzira yenjere.

7Munhu, unoraira muɗaɗiri, unoɀitȿakira kunyadziswa;

Unotuka munhu wakaipa ucaȿiɓiswa.

8Usaraira muɗaɗiri, kuti arege kukuʋeŋga;

Raira munhu wakacenjera, iye ucakuɗa.

9Ipa wakacenjera dzidzo, ipapo iye ucawedzerwa ʋucenjeri;

Dzidzisa wakarurama, ipapo iye ucawedzerwa ziʋo.

10Kuʋamba kwoʋucenjeri ndiko kutya Jehova;

Kuziʋa Mutȿene ndidzo njere.

11Nokuti neni mazuʋa ako acaitwa mazhinji,

Makore oʋupenyu bgako acawedzerwa.

12Kana wakacenjera, iwe, wakaɀicenjerera hako;

Kana uri muɗaɗiri, iwe woga ucaʋa nemhoȿa yaɀo.

13Mukadzi ɓenzi unopupira;

Haanamano, haaziʋi cinhu.

14Unogara pamukoʋa weimba yake,

Pacigaro pamitunhu yeguta.

15Kuti aɗanidzire kunaʋanopfuʋura napo,

Iʋo ʋanorurama nenzira dzaʋo, aciti:

16Aninani usinamano, ŋgaatsaukire muno;

Usinenjere, mukadzi unoti kwaari:

17Mvura yaɓiwa inozipa,

Ciŋgwa cinodyiwa pakaʋanda cinonaka.

18Asi haaziʋi kuti midzimu iri’ko;

Kuti ʋakakokerwa naye ʋari pakadzika paSheori.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help