1Inzwai cinhu ici, imi ʋanhu ʋose;
Tererai, imi mose mugere panyika;
2Imi ʋaɗuku naʋanokudzwa,
Ʋafumi naʋarombo pamŋe cete.
3Muromo waŋgu ucataura ʋucenjeri;
Ʋuye kufuŋga kwomŋoyo waŋgu kucaʋa nenjere.
4Ndicarerekera nzeʋe yaŋgu inzwe mufananidzo;
Ndicaɗudza shoko raŋgu rakaʋanzika nembira.
5Ndicatya neiko pamisi yeɀakaipa,
Kana ɀakaipa, ɀaʋanoɗa kundidziŋga, ɀicindikomba?
6Iʋo, ʋanoʋimba nefuma yaʋo,
Ʋanoɀikudza pamsoro pokuwanda kwefuma yaʋo;
7Hapana‐uŋgatoŋgodzikinura hama yake,
Kana kupa Mŋari rudzikinuro pamsoro pake;
8(Nokuti rudzikinuro rwemŋeya yaʋo runokosha,
Runofanira kuregwa nokusiŋgaperi;)
9Kuti arambe ari mupenyu misi yose,
Arege kuʋona kuʋora.
10Nokuti unoʋona kuti ʋacenjeri ʋanofa,
Ƃenzi nousinenjere ʋanopera pamŋe cete,
Ʋacisiyira ʋamŋe fuma yaʋo.
11Ʋanofuŋga pamŋoyo paʋo kuti dzimba dzaʋo dzicagara nokusiŋgaperi,
Noʋugaro bgaʋo kuȿikira kumarudzi aʋo ose;
Nyika dzaʋo ʋanodzitumidza mazita aʋo.
12Asi munhu haagari acikudzwa,
Wakafanana nemhuka dzinopera.
13Iyi ndiyo nzira yamapenzi;
Kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanhu ʋanoʋateʋera ʋacitenda ɀaʋanotaura.
14Ʋakatarirwa Sheori samakwai;
Rufu rucaʋa mufudzi waʋo;
Ʋakarurama ʋacaɓata ʋushe pamsoro paʋo maŋgwanani;
Kunaka kwaʋo kucaŋgoparadzwa neSheori, kuti kurege kuʋa noʋugaro.
15Asi Mŋari ucadzikinura mŋeya waŋgu pasimba reSheori;
Nokuti iye ucandigamucira.
16Usatya hako iwe kana mumŋe munhu acifumiswa,
Kana fuma yeimba yake iciwedzerwa;
17Nokuti kana acifa hapana‐caacaenda naco;
Mukurumbira wake hauŋgaɓuruki ucimuteʋera.
18Kunyaŋge paʋupenyu bgake waikorokotedza mŋeya wake,
(Kunyaŋge ʋanhu ʋaikurumbidza kana uciɀiitira ɀakanaka),
19Ucaenda iye kurudzi rwamadziɓaɓa ake;
Iʋo haʋaŋgatoŋgoʋoni ciedza nokusiŋgaperi.
20Munhu, unokudzwa, asinenjere,
Wakafanana nemhuka dzinopera.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.