I Samueri 27 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Davidi unondogara kuʋaFiristia.

1Ɀino Davidi akati mumŋoyo make: Mumŋe musi ndicaparadzwa haŋgu noruʋoko rwaSauro; ɀirinani kwaɀo kwandiri kuti nditizire kunyika yaʋaFiristia; Sauro ucazoʋora mŋoyo pamsoro paŋgu, akarega kunditȿaka panyika yose yaIsraeri; saiɀoɀo ndicapukunyuka paruʋoko rwake

2Davidi akasimuka, akayambuka, iye naʋarume ʋanamazana matanhatu ʋaakaŋga anaʋo, akaenda kunaAkishi, mŋanakomana waMaoki, mambo weGati.

3Davidi akagara naAkishi paGati, iye naʋanhu ʋake, munhu mumŋe nomumŋe anemhuri yake, iye Davidi anaʋakadzi ʋake ʋaʋiri, Ahinoami muJezreeri, naAbigairi muKarmeri, waiʋa mukadzi waNabari.

4Sauro akaʋudzwa kuti Davidi watizira Gati, akasazomutȿaka ɀe.

5Ɀino Davidi akati kunaAkishi: Ɀino kana ndakanzwirwa tsitsi nemi, ŋgandipiwe haŋgu pokugara panerimŋe guta renyika ino, ndigare’po, nokuti muranda ucagarireiko pamuzinda pamŋe cete nemi?

6Naiɀoɀo Akishi akamupa Zikragi nomusi iwoyo; naiɀoɀo Zikragi nderamadzimambo aJuda kuȿikira nhasi.

7Ɀino mazuʋa akagara Davidi panyika yaʋaFiristia akaȿika gore rose nemŋedzi minna.

8Davidi naʋanhu ʋake ʋakakwira ʋakandopambara ʋaGeshuri naʋaGirzi, naʋaAmareki; nokuti marudzi iwayo ndiwo akaŋga agere panyika iyo kare, kana munhu acienda Shuri kuȿikira panyika yeEgipita.

9Davidi akakunda nyika iyo, haana‐kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, akatapa makwai, neŋombe, nemboŋgoro, namakamera, neŋguʋo; akadzoka, akaȿika kunaAkishi.

10Akishi akati: Mandopambara kupiko nhasi? Davidi akati: Kurutiʋi rwezasi rwaʋaJuda, nokurutiʋi rwezasi rwaʋaJerameeri, nokurutiʋi rwezasi rwaʋaKeni.

11Davidi haana‐kurega murume kana mukadzi ari mupenyu, kuti aʋuye naʋo paGati, aciti: Ŋgaʋarege kutiʋudzisira, ʋaciti: Davidi wakaita ɀokuti neɀokuti, ndiyo tsika yake ŋguʋa yose acigere munyika yaʋaFiristia.

12Akishi akatenda Davidi, aciti: Waɀiʋeŋgesa kwaɀo naʋanhu ʋake Israeri; naiɀoɀo ucaʋa muranda waŋgu nokusiŋgaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help