Mapisarema 40 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mufaro womunhu unotenda kunaJehova.Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi.

1Ndakarindira‐rindira Jehova;

Akarerekera kwandiri, akanzwa kucema kwaŋgu.

2Akandiɓuɗisa ʋo pagomba rokuparadzwa, nomudziʋa ramatope;

Akamisa tsoka dzaŋgu paɗombo, akasimbisa kufamba kwaŋgu.

3Akaisa rwiyo rutȿa mumuromo maŋgu, rwokurumbidza Mŋari weɗu narwo;

Ʋazhinji ʋacaɀiʋona, ʋacitya,

Ʋacaʋimba naJehova.

4Wakakomborerwa unoita Jehova ciʋando cake.

Usinehanya naʋanoɀikudza, naʋanotsaukira kunhema.

5Jehova Mŋari waŋgu, maɓasa enyu, anoshamisa, amakaita, mazhinji,

Nemifuŋgo yenyu kwatiri;

Hapana‐uŋgaenzaniswa nemi.

Kana ndikaɗa kuɀiɗudzira nokuɀireʋa,

Haɀiŋgaʋereŋgwi nokuwanda kwaɀo.

6Imi hamufadzwi neɀiɓayiro neɀipiriso;

Makandidziʋurira nzeʋe dzaŋgu;

Ɀipiriso ɀinopiswa neɀeɀiʋi hamuna‐kuɀireʋa.

7Ipapo ndakati: Tarirai, ndaʋuya;

Parugwaro rwakapetwa ndakaɀirairwa:

8Ndinofara kwaɀo kuita kuɗa kwenyu, Mŋari waŋgu;

Ɀirokwaɀo murairo wenyu uri mumŋoyo maŋgu.

9Ndakaparidza mashoko omufaro paʋuŋgano huru;

Tarirai, handiŋgadzori miromo yaŋgu,

Jehova, munoɀiziʋa.

10Handina‐kuʋanza kururama kwenyu mumŋoyo maŋgu;

Ndakaɗudzira kutendeka kwenyu nokuponesa kwenyu;

Handina‐kuʋanzira ʋuŋgano huru ʋunyoro bgenyu neɀokwaɗi yenyu.

11Jehova, imi hamuŋgandinyimi ŋgoni dzenyu;

Ʋunyoro bgenyu neɀokwaɗi yenyu ɀicandiceŋgeta ŋguʋa dzose.

12Nokuti maɗambudzo asiŋgaʋereŋgwi akandikomberedza,

Ɀakaipa ɀaŋgu ɀakandiɓata, naiɀoɀo handigoni kutarira kumsoro;

Ɀakawanda kupfuʋura vudzi romusoro waŋgu, ndapera mŋoyo.

13Jehova, ŋgaɀikufadzei kundirwira;

Kurumidzai kundiɓatsira, Jehova.

14Ŋgaʋanyadziswe, ŋgaʋaɀidzwe pamŋe cete

Iʋo ʋanotȿaka mŋeya waŋgu kuti ʋauparadze;

Ŋgaʋadzoserwe shure, ʋashoʋorwe

Iʋo ʋanofarira kundikuʋadza.

15Ŋgaʋavunduswe nokuɗa kwenyadzi dzaʋo

Iʋo ʋanoti kwandiri: Hekani, hekani waro!

16Ʋose ʋanokutȿakai ŋgaʋafarise ʋaʋe nomufaro mamuri;

Ʋanoɗa kuponesa kwenyu ŋgaʋarambe ʋaciti:

Jehova ŋgaakudzwe!

17Asi ini ndiri murombo nomushaiwi;

Kunyaŋge ɀakaɗaro Ishe unondifuŋga;

Imi muri muɓatsiri waŋgu nomurwiri waŋgu;

Regai kunonoka, Mŋari waŋgu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help