Mapisarema 80 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Mŋari ŋgaarwire muzambiriŋga wake.Kumutuŋgamiriri wokuimba; nomuimbirwe weShoshanimi Eduti. Pisarema raAsafi.

1Tererai nenzeʋe, Mufudzi waIsraeri,

Iyemi munotuŋgamirira Josefa seɓoka reɀipfuwo;

Imi mugere pakati pamakerubi, penyai!

2Mutsai simba renyu pamberi paEfraimi naBenjamini naManase,

Muʋuye kuzotirwira.

3Tidzoserei ɀe, Mŋari;

Penyisai ciso cenyu, isu tiponeswe.

4Jehova, Mŋari wehondo,

Mucatsamŋira munyeŋgetero waʋanhu ʋenyu kuȿikira riniko?

5Makaʋadyisa ɀokudya ɀemisodzi,

Nokuʋanwisa misodzi yakawanda kwaɀo.

6Makatiita cinhu cinoitirwa nharo naʋatigere naʋo;

Ʋaʋeŋgi ʋeɗu ʋanotiseka pakati paʋo.

7Tidzoserei ɀe, Mŋari wehondo;

Penyisai ciso cenyu, isu tiponeswe.

8Makandotora muzambiriŋga paEgipita;

Makadziŋga ʋahedeni, mukausima.

9Makaugadzirira,

Ukaɓata kwaɀo, ukazadza nyika.

10Makomo akafukidzwa nomumvuri wawo,

Nemisidari yaMŋari namataʋi awo.

11Wakatandisa mataʋi awo kuȿikira paguŋgwa,

Namashizha awo kuȿikira kuRwizi.

12Makaputsireiko mhanda dzawo,

Kuti ʋose ʋanopfuʋura nenzira ʋautanhe?

13Ŋguruʋe yomuɗondo inouparadza,

Mhuka dzesaŋgo dzinoudya.

14Ƌodzokai henyu, Mŋari wehondo,

Tarirai muri kuɗeŋga, muʋone, muʋe nehanya nomuzambiriŋga uyu.

15Muceŋgete cakasimŋa noruʋoko rwenyu rworudyi,

Nomŋanakomana, wamakaɀirerera.

16Wapiswa nomŋoto, watemŋa;

Ʋanopera nokutuka kweciso cenyu.

17Ruʋoko rwenyu ŋgaruʋe pamsoro pomunhu woruʋoko rwenyu rworudyi,

Pamsoro pomŋanakomana womunhu, wamakaɀirerera.

18Ipapo hatiŋgazobvi kwamuri;

Tiraramisei isu, tigoɗana zita renyu.

19Tidzoserei ɀe, Jehova Mŋari wehondo;

Penyisai ciso cenyu, isu tiponeswe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help