1Haiwa Jehova, ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋawanda sei!
Ʋazhinji ʋanondimukira.
2Ʋazhinji ʋari’ko ʋanoti kumŋeya waŋgu:
Haano‐ruponeso kunaMŋari.
3Asi imi Jehova muri nhoʋo yaŋgu kumatiʋi ose;
Kudzo yaŋgu, nomusimudzi womusoro waŋgu,
4Ndinoɗana kunaJehova nenzwi raŋgu,
Iye unondipindura ari pagomo rake dɀene.
5Ndakaʋata pasi ndikaɓatwa nehope;
Ndikamuka; nokuti Jehova unonditsigira.
6Handiŋgatyi ɀuru ɀamazana ɀaʋanhu,
Ʋakandikomberedza kuzorwa neni.
7Simukai, Jehova; ndirwirei, Mŋari waŋgu;
Nokuti makaroʋa ʋaʋeŋgi ʋaŋgu ʋose pashaya dzaʋo;
Makavuna meno aʋakaipa.
8Ruponeso runobva kunaJehova;
Kukomborera kwenyu ŋgakuʋe pamsoro paʋanhu ʋenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.