Mapisarema 130 - Original Shona Union Bible 1949 (Doke Orthography)(SUB1949)

Kucema kwomutadzi kunaJehova.Rwiyo rworwendo.

1Ndakaɗanidzira kwamuri, Jehova, ndiri makadzika.

2Ishe inzwai inzwi raŋgu;

Nzeʋe dzenyu ŋgadziterere

Inzwi rokukumbira kwaŋgu.

3Ƌai imi Jehova, mairaŋgarira ɀisakarurama,

Ndianiko wairamba amire, Ishe?

4Asi kukaŋganwirwa kuri’ko kwamuri,

Kuti ʋanhu ʋakutyei.

5Ndinorindira Jehova, mŋeya waŋgu unorindira;

Ndinotarira shoko rake.

6Mŋeya waŋgu unorindira Ishe,

Kupfuʋura ʋarindi ʋanorindira ruŋgwanani;

Ɀirokwaɀo, kupfuʋura ʋarindi ʋanorindira ruŋgwanani.

7Imi Israeri, tarirai kunaJehova;

Nokuti kunaJehova kuneŋgoni,

Ʋuye kwaari kunokudzikinurwa kukuru.

8Iye ucadzikinura Israeri

Paneɀisakarurama ɀake ɀose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help