1Ɀino Jehova wakapfuʋura kupindura Jobo, akati:
2Ko munhu, unokakaʋara, uŋgaita nharo noWamasimba‐ose here?
Unoita nharo naMŋari ŋgaapindure.
3Ipapo Jobo akapindura Jehova, akati:
4Tarirai, ini ndiri muɗuku haŋgu; ndiŋgakupindurai here?
Ndinofumbira muromo waŋgu.
5Ndakataura kamŋe, asi handiŋgapinduri ɀe;
Ɀirokwaɀo kaʋiri, asi handiŋgapamhidzi ɀe.
6Ipapo Jehova wakapindura Jobo ari mucampupuri, akati:
7Ciɀisuŋga ciʋuno cako ɀino somurume;
Ndicakubvunzisisa, iwe undipindure.
8Ko iwe unoɗa kukaŋganisa kutoŋga kwaŋgu,
Unoɗa kundipa mhoȿa, kuti iwe ururamiswe here?
9Iwe unoruʋoko rwakafanana norwaMŋari here?
Iwe uŋgatinhira nenzwi rakafanana nerake here?
10Ciɀishoŋgedza ɀino noʋukuru nokukudzwa;
Uɀifukidze nokurumbidzwa noʋumambo.
11Ƌurura hasha dzako dzinopfacuka;
Utarire mumŋe nomumŋe unoɀikudza, umuninipise.
12Tarira mumŋe nomumŋe unoɀikudza, umuɗeredze.
Tsika pasi ʋakaipa ipapo paʋamire.
13Uʋaʋige pamŋe cete paguruʋa;
Suŋga ɀiso ɀaʋo pakaʋanda.
14Ipapo ndicakurumbidza ʋo,
Ndiciti ruʋoko rwako rworudyi ruŋgakuponesa.
15Tarira ɀino mvuʋu, yandakaita pamŋe cete newe;
Inodya ʋuswa senzombe.
16Tarira ɀino simba rayo riri muciʋuno cayo;
Kusimba kwayo kuri pamakakaʋa eɗumbu rayo.
17Inotȿikidza muswe wayo somusidari;
Marunda eɀitumbi ɀayo akarukwa-rukwa.
18Mafupa ayo akafanana nendarira dzinemhaŋgo;
Mbabvu dzayo dzakafanana namazariro amatare.
19Ndiyo huru pamaɓasa aMŋari;
Iye, wakaiita, wakaipa munondo wayo.
20Ɀirokwaɀo, makomo anoiʋigira ɀokudya ɀayo;
Ipapo panotamba mhuka dzose dzesaŋgo.
21Inoʋata pasi pemiti yemirotusi,
Pamumvuri wetsaŋga napamuroʋe.
22Miti yemirotusi inoifukidza nomumvuri wayo;
Mikonacando yomurukoʋa inoipoteredza.
23Tarira, kana rwizi rukafema nokunze, haiɗeɗeri;
Haityi, kunyaŋge Joridani rukazara kuȿikira pamuromo wayo.
24Ko munhu uŋgaiɓata kana yakarindira here,
Kana kuʋurura mhino dzayo norwauro here?
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.